Accessibility links

Breaking News

Hama dzaVaMugabe Dzinoti Dzingafare Zvikuru Kana Vakavigirwa Kumusha


Mourners Gathered At Mugabe Rural Home, Kutama, Zvimba
Mourners Gathered At Mugabe Rural Home, Kutama, Zvimba

Hama neshamwari dzevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, idzo dzakaungana kwaKutama, dzinoti dzinofara zvikuru kana mutumbi waVaMugabe ukavigwa kwaZvimba kumusha kwavo.

Vanhu vaswera vachiimba nekudya vari pamariro aVaMugabe. Mutumbi wavo uchaendeswa kwaZvimba nemusi weSvondo.

Mumwe mugari, Amai Jesca Sande, vati zvingavafadze zvikuru kana VaMugabe vakavigwa kwaZvimba sezvo changa chiri chishuwo chavo.

Mumwe mugari wekuKariba, Amai Chiwoniso Mupfurutsa, avo vanga vari kwaKutama, vati vanorwadziwa nekubviswa kwakaitwa VaMugabe pachigaro.

Asi vamwe vakaita saAmbuya Maria Nhowe vati havafare nekuti VaMugabe vakavigwa kwaZvimba, hazvina chiremerera uye vanofanirwa kuvigwa pachikomo chavaiti ndechavo.

Muzvare Cornilia Masiyambwa vati hazvina basa kuti VaMugabe vavigirwa kupi chero vavigwa murunyararo.

Vanhu vakawanda vanga vasina nhumbi dzine mufananidzo waVaMugabe izvo zvanzi nevakawanda zvinoratidza kuti hurumende yanga isina hany'a navo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG