Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanobudirira Mukurwira Chigaro cheMutevedzeri weMutungamiri weZanu PF


President Robert Mugabe with his two deputies, Phelekezela Mphoko (L) and Emmerson Mnangagwa (R). Collage by Ntungamili Nkomo
President Robert Mugabe with his two deputies, Phelekezela Mphoko (L) and Emmerson Mnangagwa (R). Collage by Ntungamili Nkomo

Mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vadoma vatevedzeri vavo vaviri pamwe nenhengo dzekomiti yepamusoro soro yebato ravo.

Sezvanga zvakatarisirwa nevazhinji, VaMugabe vadoma vanga vari munyori wezvemitemo mubato, uye vari gurukota rezvemitemo muhurumende, VaEmmerson Mnangagwa, kuva mutevedzeri wavo wekutanga.

VaMnangagwa vanga vachirwira chinzvimbo ichi nevange vari mutevedzeri wemutungamiri webato vakatadza kupinda mu Central Committee, Amai Joice Mujuru.

VaMugabe vakadzinga Amai Mujuru muhurumende nemusi weMuvhuro manheru.

Munhu apihwa chigaro chemutevedzeri wemutungamiri wechipiri, ndiVaReport Phelekezela Mphoko, avo vakamboshanda semumiri weZimbabwe kune dzimwe nyika.

Munyori wezvemashandiro emabasa mutsva ndiVa Ignatius Chombo. Izvi zvinoreva kuti pahukuru mubato, VaChombo vava munhu wechinhanho chechina kubva kuna VaMugabe, VaMnangagwa naVaMphoko.

Murongi mutsva wemisangano ndiVaSavior Kasukuwere, ukuwo VaObert Mpofu vari munyori wezvemari.

Basa rekudzivirirwa kwenyika mubato rapihwa VaKembo Mohadi, mutauriri webato mutsva ari VaSimon Khaya Moyo, avo vanga vari sachigaro.

VaMugabe vabvisa chinzvimbo chasachigaro, vachiti basa iri rinogona kuitwa nevatevedzeri vavo vaviri.

Munyori wezvemitemo mutsva ndiVaPatrick Chinamasa, ukuwo munyori wezvekugara zvakanaka kwevanhu ari Muzvare Oppah Muchinguri.

Munyori wezvehumhizha mubato ndiVaJonathan Moyo, ukuwo VaSydney Sekeramayi vari munyori anoona nezvevakarwira rusununguko.

VaMugabe vadoma mapazi makumi maviri nerimwe, uye vamwe vanyori vanosanganisira mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, vachange vari mukuru wezvemadzimai mubato.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa zvematongerwo enyika paHuddersfield University ku Britain, VaNkululelo Sibanda, vanoti hapana zvinoshamisa pavanhu vadoma naVaMugabe sezvo VaMnangagwa vagara vachida kutora chigaro chaVaMugaro.

Ukuwo imwe nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vanoti VaMugabe havana kubata zvakanaka vanhukadzi pakuvapa mapazi ekutungamira mubato.

VaMugabe vadoma madzimai matanhatu kuti vatungamiri mapazi ebato, ukuwo vanhurumende vachitungamira mapazi gumi nemashanu.

Hurukuro naVaNkululelo Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naMuzvare Gladys Hlatshwayo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG