Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanopihwa Mvumo yeKutara Zuva reSarudzo Muna Gunyana


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe
Dare repamusoro ratambira neChina chikumbiro chemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, chekuti vawedzerwe nguva yekutara zuva resarudzo dzinifanirwa kuitwa mumatunhu matatu anoti Bulilima East, Lupane East neNkayi South, sezvakatarwa nedare repamusoro soro.

Izvi zvinotevera kuwirirana kwaita magweta aVaMugabe pamwe nemagweta ange akamirira vaimbove vamiriri venzvimbo idzi mudare reHouse of Assembly, VaAbenico Bhebhe, VaNjabuliso Mguni naVaMaxwell Dube.

Vange vachitungamira magweta aVaMugabe, Advocate Ray Goba, vati nyaya iyi yange ichifanirwa kunzikwa nemutungamiri wevatongi vematare edzimhosva, VaGeorge Chiweshe, asi haina kutozombopinda mudare sezvo VaChiweshe vangotambira chibvumirano chemagweta chekuti VaMugabe vapihwe nguva yavari kuda.

Advocate Goba vati izvi zvinoreva kuti VaMugabe, avo vainge vanzi vatare mazuva esarudzo munzvimbo idzi musi wa30 Nyamavhuvhu usati wasvika, vava kubvimirwa zviri pamutemo kutara zuva iri mukati memwedzi mumwe chete kubva nhasi.

Hatina kukwanisa kubata magweta ange achimirira VaBhebhe nevamwe vavo kuti tinzwe kuti sei vapinda muchibvumirano nemagweta aVaMugabe.

Svondo rino, gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakazivisa kuti hurumende haina mari yekuita sarudzo munzvimbo idzi.

Asi vamwe vanoti Zimbabwe inofanirwa kuita sarudzo idzi senzira yekuremekedza mitemo yenyika. Vanotiwo nyaya yekuti nyika haina mari haifanirwe kutungamidzwa sezvo hurumende ichisungirwa kutsvaga nzira dzekuti iwane mari yekuitisa sarudzo idzi.
Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG