Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waVaMugabe Unodzoserwa kuHarare neChikopokopo


Mugabe Body Transported From Zvimba To Harare 1
Mugabe Body Transported From Zvimba To Harare 1

Mutumbi wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, watakurwa kubva kumusha kwavo kwaZvimba uchiendeswa kuHarare kumba kwavo kuBlue Roof paine makakatanwa mumhuri ekuti uchachengeterwa kupi usati wavigwa.

Kunetsana kwehama dzemufi kuti mutumbi unochengeterwa kupi uye uri muchimiro chipi, kwakatadzisa mutumbi uyu kuenda kuHarare nemusi weChipiri sezvakanga zvakarongwa.

Asi mutumbi uyu wazoendeswa kuHarare nechikopokopo. chemauto.

Mugabe Body Transported From Zvimba To Harare 1
Mugabe Body Transported From Zvimba To Harare 1

Mutauriri wemhuri uye vari muzukuru wemufi, VaLeo Mugabe, vabvuma kuti hapana chisungo chawiriranwa vachiti zvose zvichanoperera kuHarare.

VaLeo Mugabe varambawo mashoko ekuti mutumbi waVaMugabe uchanochengerwa kuSingapore kwavakafira usati wadzoka zvakare kuzovinga kumarinda emagamba eHeroes Acre.

VaLeo Mugabe vati dambudziko riripo nderekuti vakuru vemhuri havasi kuda kuti mutumbi uchengetwe mumba unochengeterwa vafi kuDoves vachiti havazive zvingaitwe mutumbi wehama yavo asi vamwe vachiti hazvina basa.

VaLeo Mugabe vati vave kushushikana sezvo rufu rwatora nguva yakareba izvo zvave kupa kuti vanhu vataure zvakawanda pamusoro perufu rwaVaMugabe vachiti havangachengetere mutumbi mumba.

Mumwe mugari wekwaZvimba, Amai Loice Mutamba, vati hazviiti kuchengeta mufi mumba kwenguva yakareba

Vanozviti Tete vaVaMugabe, Ambuya Josephine Jarija, vati hapana chakaipa kuti VaMugabe vatore nguva yakareba vasati vavigwa chero vakachengetwa zvakanaka kuti mutumbi usaore.

Asi vamwe vataura neStudio7 vanoti sezvo VaMugabe vakarwara kwenguva yakareba, vemhuri yavo vanofanirwa kuchivazorodza nekuona kuti varadzikwa zvakanaka.

Guva remhando yepamusoro soro richavigirwa VaMugabe riri kugadzirwa, uye hurumende, iyo iri kubhadhara mari yakuvaka guva iri, inoti zvichatora mazuva akati awandeyi guva iri richivakwa.

Izvi zvinoreva kuti mutumbi waVaMugabe uchange wakachengetedzwa panzvimbo inokodzera.

Pasi pemitemo, mutumbi wemufi haubvumidzwe kuchengeterwa pose pose kunze kwenzvimbo dzakatarwa semochari dzemuzvipatara, kana dzemakambani anochengeta mitumbi yevanhu vanenge vafa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG