Accessibility links

Breaking News

Danho raVaMudenda Rounza Kuchema Mudare reParamende


Parliament of Zimbabwe
Parliament of Zimbabwe
Nhengo dzebato reMDC mudare reNational Assembly dzinoti hadzisi kufara nedanho rekatorwa nemutauriri wedare iri, VaJacob Mudenda, rekurambidza nhengo dzedare iri kutaura manyepo kana zvinhu zvisina humbowo pamusoro penhengo dzedare iri kana vanhuwo zvavo dzichiti danho iri rinotadzisa nhengo dzedare iri kutaura zvadzinoda.

Vanokokera nhengo dzedare bato iri muNational Assembly, VaInnocent Gonese, vanoti mutemo wekuchengetedza nenhengo dzeparamende pamusoro pezvinenge zvataurwa mudare we Priviledges and Immunities of Powers of Parliament Act unoita kuti nhengo dzitaura mudare dzakasununguka dzisingatye.

Asi VaGonese vanoti danho raVaMudenda rave kukanganisa zvinangwa zvemutemo uyu.

Nezuro VaMudenda vakati nhengo dzedare reparamende dziri kutyora kodzero yadzo nekunyomba kana kutaura manyepo pamusoro pedzimwe nenhengo kana vanhuwo zvavo. Nokudaro vanoti vakatora danho rekurambidza nhengo dzedare kutaura zvinhu zvisina humbowo kana zvisiri zvechokwadi mudare.

Asi VaGonese vanoti kana pane anenge achifunga kuti areverwa nhema anofanira kupihwa mukana wekuzotaura chokwadi mudare.

Kunyange hazvo pamboita runyerekupe rwekuti nhengo dzeMDC dzaizoramba kupinda mudare dzichinyunyuta nedanho rekatorwa naVaMudenda, VaGonese vanoti bato ravo richiri kuzeya danho raVaMudenda risati raita chisungo.

Nezuro VaMudenda vakapa semuenzaniso nhengo inomirira Mbizo, VaSettlement Chikwinya, semumwe wevanhu vari kutaura zvinhu zvisina chokwati.

Svondo rapera VaChikwinya vakaudza dare reparamende kuti mukuru weZIMRA, VaGeshom Pasi, vaifanirwa kuferefetwa mari dzavari kutambiriswa idzo vakati dzinodarika mazana matatu ezviuru pamwedzi.

VaMudenda vakayambira kuti ani nani achawanikwa achityora kodzero dzake achatorerwa matanho.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi sezvo vanokokera nhengo dzedare iri kuZanu PF, VaJorum Gumbo, pamwe nemutevdzeri wavo, Amai Mandi Chimene, vange vasiri mudare neChina.
XS
SM
MD
LG