HARARE —
Kambani yembozhanhare, yeEconet Wireless, yabatana neChitatu nebhanga reCommercial Bank of Zimbabwe, CBZ, pachirongwa chayo chekutumira mari pachishandiswa mbozhanhare, che Eco cash.
Izvo zvichaita kuti vanhu vanoshandisa bhanga iri vakwanise kutora mari kana kubhadhara mabhiri avo kana kutambira mihoro yavo vachishandisa mbozhanhare vasina kana kuisa gumbo ravo mubhanga.
Econet inoti izvi zvichicharerutsira veruzhinji sezvo vanenge vave kukwanisa kutumira mari, kuendesa mari kubhanga kana kuita zvese zvavanoda vasina kuenda kubhanga kana kuzvitoro nedzimwe zvimbo dzange dzakatarwa neEconet.
Mukuru weEconet Services, VaDarlington Mandivenga, vanoti chirongwa ichi chichapedza matambudziko ekumira mumitsetse.
Mukuru wekambani yeEconet , VaDouglas Mboweni, vati chirongwa ichi chakanaka chose uye avo vane mbozhanhare dzinokwanisa kufona kubva kune dzimwe nyika kana kuti dzinenge dziri pa roaming vanokwanisawo kutumira mari kubva kunzvimbi idzi.
VaMboweni vati kunyange hazvo vatanga neCBZ, vanoda kuti mabhanga ese apinde muchirongwa ichi kuitira kuti vanhu vese munyika vakawanise kushandisa mukana uyu.
VaCollin Chimutsa, avo vange vakamirira mukuru weCBZ Holdings, VaJohn Mangudya, vatenda mushandirapamwe wavo neEconet vachiti uchaita kuti bhanga ravo rikwanise kusvika kune vanhu vakawanda munzvimbo zhinji munyika.