Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voramba Kuti Vasungwa Vari Kufa neNzara


President Barack Obama makes a toast druing a State Dinner hosted by Indian President Pranab Mukherjee at the Rashtrapati Bhavan, the presidential palace, in New Delhi, Jan. 25, 2015.
President Barack Obama makes a toast druing a State Dinner hosted by Indian President Pranab Mukherjee at the Rashtrapati Bhavan, the presidential palace, in New Delhi, Jan. 25, 2015.
Gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, varamba neChitatu mashoko akataurwa nevakuru vakuru mubazi ravo ekuti pane vasungwa vanodarika zana vakafira mujeri munyika kubva pakutanga kwegore nekuda kwenzara.

Vachipindura mibvunzo kubva kunhengo dzeNational Assembly, VaMnangagwa vati kunyange hazvo chikafu chave kuita chishoma, hapana kana musungwa akafa nekuda kwenzara sezvo vasungwa vachiri kupihwa chikafu chakakwana.

VaMnangagwa vapomera vatori venhau mhosva yekuisa neparutivi mashoko akataurwa nemunyori mubhazi rezvemutemo, Amai Virginia Mabhiza, pamwe nemutevedzeri wemukuru wemajeri munyika, VaAggrey Machingauta, nemusi weMuvhuro ekuti chakafu chiri kunetsa mumajeri uye pane vasungwa vanodarika zana vakatofa nekuda kwenzara kana zvirwere zvino koznerwa nekushaya chikafu chakakwana.

Amai Mabhiza naVaMachingauta vakati Zimbabwe Prison Services inoda madhora miriyoni nechidimbu kuitira kuti ikwanise kupa vasungwa chikafu chakakwana pamwe nekuita mabasa ayo ese.

Vaviri ava vakapa humbowo vatora mhiko sezvo zvisingabvumidzwe pasi pemutemo kutaura manyepo muparamende.

Mukutanga kwegore rino mukuru wemajeri, VaParadzia Zimondi, vakaudza vatori venhau vaishanyira jeri reHarare Remand kuti mumajeri mune nzara uye vakatopa mvumo kumasangano anoshanda akazvimirira kuti avabatsire nechikafu nehumbi dzevasungwa.

Zvichakadai gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vaudzawo nhengo dzeNational Assembly kuti hurumende iri kuedza napose painogona napo kuti vanhu vese vane nzara kumaruwa vawane chikafu.

Vati makambani akazvimirira ari kutengawo chibage kunze kwenyika chekutengesa mumadhorobha.

Vati kusvika pari zvino hurumende yatenga kubva kuZambia chibage chinodarika matani zvuru gumi nezvinomwe. Hurumende inoda kutenga zana nemakumi mashanu ezviuru zvematani kubva kunze kwenyika.

Vakurudzira nhengo dzeparamende kuti dzibatsirane nebazi ravo mukupa vanhu chikafa pamwe nekuzivisa bazi nzvimbo dzinoda rubatsiro nekukasika.

Sakangano reWorld Food Program rinoti vanhu mamiriyoni maviri vanoda rubatsiro rwechikafu.

Asi hurumende iri kupikisa izvi ichiti vanhu vakatarisana nenzara vashoma pane vari kutaurwa neWFP.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG