Gavhuna vebhanga guru renyika, re Reserve Bank of Zimbabwe, DoctorJohn Mangudya vanoti kukwira kwemutengo wemafuta ekufambisa kune vanotengesa vekunze kwenyika kwave kukonzerawo kukwira kwemitengo yemafuta ekufambisa munyika, izvo zvinonzi nenyanzvi mune zveupfumi zvinogona kukonzerawo kukwira kwemitengo yezvinhu.
Vachitaura pamberi pekomiti inoona nezvemigodhi nemhando dzemoto nezuro, Doctor Mangudya vakati kukwira kwemutengo wemafuta kunze kwenyika kwakakonzera kuti sebhanga guru vawedzerewo mari yavanopa kumakambani anopinza mafuta munyika kubva pamamiriyoni gumi emadhora kuenda pamamiriyoni makumi maviri emadhora pasvondo reg-rega.
Nyanzvi mune zveupfumi, VaPersistance Gwanyanya, vanoshanda nePercycon Global Fund Managers, vanoti zvematongerwo enyika zvine chekuita nekukwira kwemitengo yemafuta ekufambisa, sezvo nyika dzine mafuta dzichigona kuvhiringidzwa nehondo nezvematongerwo enyika, zvinozopa kunetsa kwemafambisirwo emafuta.
VaGwanyanya vanoti nyika haina mari yekunze inodiwa pakutenga mafuta kunze kwenyika, naizvozvo mitengo inogona kutokwira zvakare. Vanotiwo hurumende haigoni kubatsira vanotenga mafuta aya nekuti iyo hurumende yakatotarisirawo chouviri pakutengwa kwemafuta kunze kwenyika.
Facebook Forum