Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 13, 2020 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Huwandu hwevanhu vari kuramba vachibatwa neCovid-19 huri kuramba huchikwira munyika zvichitevera kubatwa kwevanhu gumi nechirwere ichi nezuro.

Varairidzi vogara vakabatira hura mumaoko zvichitevera kutyisidzirwa kwavari kuitwa munzvimbo dzavanodzidzisa panguva iyo varairidzi vasiri kuita basa ravo vachinyunyuta nemihoro yavari kutambiriswa nehurumende.

Vakadzingwa mubato reZanu PF, Va Godfrey Tsenengamu, vanonyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso mutongi wedare achiti zviri nani kuti vagare mutirongo sezvo VaTsenengamu vakati vari kutyira hupenyu hwavo pavakazvipira kumapurisa.

Kanzura weMDC kuMasvingo, VaGodfrey Kurauone, vokwidza hurumende kumatare vachida kuripwa zvichitevera kusungwa kwavakaitwa nemhosva yakazoraswa nedare redzimhosva kuMasvingo.

Bato reMDC Alliance rinoti rakaita ongororo rayo remabhuku aro inoratidza kuti mari iri kufambiswa zvakanaka mubato iri, uye vashandi varo vari kubhadharwa mihoro yavo munguva yakafanira.

Paramende yoshushikana nemaitiro egurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, avo vasiri kubuda pachena pazvikwereti zvine nyika, izvo hurumende yakatora pasina mvumo yeparamende sezvinodiwa nemitemo yenyika.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kusabuda pachena kwehurumende panyaya yezvikwereti zvairi kutora kunze kwenyika, kunosiya nyika iri parumananzombe.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyaya yekurwisa chirwere cheCovid-19 muZimbabwe takatarisa vanasikana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG