Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau yeShona, Muvhuro Zvita 26, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaGabriel Shumba vorohwa nemunhu asiri kuzivikanwa kumba kwavo kuSouth Africa....

Hurumende yoshorwa nekuda kuvandudza bumbiro remutemo kuti mutungamiri wenyika oga adome vatongi vematare....

Vanhu gumi nevatanhatu vakafa pazuva rekisimusi uye mapurisa anoti chakakonzera izvi kunyanya imotokari dzaimhanya....

Zimbabwe yoshorwa nekuramba ichitengesa mhuka dzakaita senzou kuChina...

Hurumende yoparurura zvidzidzo zviviri zvitsa zvinoti Economic History nePolitical History asi varairidzi vachinzi vashoma....

Nhasi munhau dzemitambo tichatarisa mamiriro akaita mutambo wetsiva....

Muchirongwa chedu che LiveTalk, nhasi tiri kutaura nezvezuva reBoxing Day nezororo rekisimusi....

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318....

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave....

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE....

Misoro yeNhau, Muvhuro Zvita 26, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG