Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 25, 2020 


Misoro yeNhau

Vamwe vana vechikoro vakawanda vobatwa nechirwere cheCovid-19 paChinhoyi High School icho chakaurayazve mumwe munhu kuBulawayo nezuro.

Zimbabwe yobatana nenyika dzepasi rino mukucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekurwisa nyaya yemhirizhonga mudzimba, kana kuti 16 Days of Activism Against Gender-Based Violence.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa voshora zvikuru mhirizhonga iri kuitika munyika mavo umo muri kurwiswa zvizvarwa zvedzimwe nyika kusanganisira zveZimbabwe zvinotyaira marori zvichipomerwa mhosva yekutorera mabasa zvizvarwa zvemuSouth Africa.

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika mukuita musangano wechimbichimbi weSADC Troika kuzeya nyaya yekusagadzikana muMozambique umo makachekwa musoro vanhu makumi mashanu nevanopfurikidza mwero vechikwata cheISIS.

Vachangosarudzwa kutungamira America VaJoe Biden vanonzi vane chitsvambe chekubatanidza vanhu venyika yavo sezvo zviri pachena kuti mutungamiri wenyika wavakakunda musarudzo, VaDonald Trump vane rutsigiro rwakakurawo

Sangano rinomirira zvizvarwa zvekuchamhembe kweAfrica zviri muAmerica, reSouthern Africa Community USA, kana kuti SACU, rinobatana nesangano reMANNA Food Center remuMontgomery County mudunhu reMaryland mukupa rubatsiro rwechikafu kune zvizvarwa zvemuSADC zvinogara muMontgomery County zvakakanganiswa nedenda reCovid-19.

Muchirongwa CheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika munyaya dzeCovid-19, kurwisana pamwe nezviri kuitika muSouth Africa muri kurwiswa zvizvarwa zveZimbabwe zvinotyaira magonyeti, tichatarisawo zviri kuitika muAmerica pakutambidzana masimba.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG