Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 29, 2021 


Misoro yeNhau

America inoti zvirango zvakatemerwa vakuru vakuru muZanu PF nemuhurumende hazvisi izvo zviri kukonzera kuti hupfumi hweZimbabwe hugwadame, asi kuti kutadza kutonga kwehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ndiko kuri kukonzera kuipa kwezvinhu muZimbabwe.

Mutungamiriri Zanu PF nenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoudza musangano webato ravo weAnnual National People’s Conference kuti Zanu PF ndiyo chete inokwanisa kudzivirira nyika kubva kuvavengi uye vanoti vachakunda zvine mutsindo musarudzo dza2023.

Mutungamiri wemadzishe, Ishe Fortune Charumbira, vaudza musangano uyu kuti vanotsigira Zanu PF uye havanei nemutongo wematare unorambidza kuti madzishe asaita zvematongerwo enyika.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanopeta misangano yavo mudunhu reMashonaland West vachiti vanoshamiswa zvikuru nemashoko eZanu PF ekuti vari kunyepera veruzhinji kuti pane vanhu vakaedza kuda kuvauraya kuManicaland.

Mufundisi wekereke yeJesus Revelation Ministries, Apostle Talent Chiwenga, avo vanozivikanwa zvikuru nekushoropodza kwavo hurumende pamwe nevamwe vakuru muhurumende, vanotiza munyika vachityira hupenyu hwavo vachiti pane vanhu vaivateveredza.

Asi mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti havana kumbobvira vawana mashoko ekuti hupenyu hwaVaChiwenga hwaive munjodzi.

Nhandare yeBaobab Stadium ichange ichitamba ngoma yezvikwata zvine mukurumbira munhabvu munyika pamberi pevateveri vemutambo uyu

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa gwaro rakaburitswa nenhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan, iro rinokurudzira kubviswa kwezvirango pamwe nekuti Zimbabwe iremnekedzewo kodzero dzevanhu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG