Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi 23, 2021 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Zimbabwe inopinda muzuva repiri ichibaya vanhu nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 pachishandiswa mushonga wakagadzirwa nekambani yeSinopharm yekuChina.

Vanhu vashoma vanozvipira kubayiwa nhomba iyi muzuva repiri panguva iyo hurumende iri kukurudzirwa kuti ibayewo nhomba iyi vanhu vari mumajeri.

Munhu mumwe chete akafa nechirwere che Covid-19 nezuro, ukuwo vanhu makumi matanhatu nevatanhatu vakabatwawo nechirwere ichi nezuro wakare.

Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo richadzinga makanzura ose ari kuita zvehuori uye hurumende inofanirwa kutora matanho akasimba ekupedza huori munyika.

Studio7 inotarisa zvakadzama hurongwa hwekutengeswa kwemari yekunze pamusika.

Rimwe remasangano anorwira kodzero dzevanhu ranyorera hurumende yeBotswana pamwe nesangano reUnited Nations High Commissioer for Refugees richichema chema zvikuru kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri kuBotswana zvisamanikidzww kudzokera kuZimbabwe uko zviri kutyira hupenyu hwazvo.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitika muchirongwa chekubayiwa nhomba yeCovid-19 yakagadzirwa nekambani yekuChina yeSinopharm.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG