Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China 14 Chikumi 2018


Nhau dzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 14, 2018.

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, mutungamiri weMDC Alliance, Va Nelson Chamisa, mutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, mutungamiri we People’s Rainbow Coalition, Amai Joice Mujuru, mutungamiri weBuild Zimbabwe Alliance, VaNoah Manyika, muimbi, Brian Mteki nevamwe vanonyoresa kukukwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.

Vaimbove gurukota rezvemigodhi, uye vari hama yaVaRobert Mugabe, VaWalter Chidhakwa, vanonyoresa kukwikwidza vakazvimirira kuZvimba South kuMashonaland West, ukuwo VaWebster Shamu veZanu PF vanonyoresa kukwikwidza chigaro chemumiriri weChegutu East, zvichitevera kubuda kwaita VaVengesai Musengi musarudzo iyi mushure mekunyengererwa kuti vaite izvi naVaPhillip Chiyangwa.

Muzvare Jessie Majome vanonyoresa kukwikwidza muHarare West vakazvimirira, umo vachakweshana naMuzvare Joanna Mamombe weMDC-T yaVaChamisa.

Muimbi Hosiah Chipanga anonyoresa kukwikwidza akazvimirira munzvimbo yeChikanga Dangamvura kwaMutare, iyo ine vamwe vanoti VaPropsper Mutseyami veMDC-T naVaEsau Mupfumi veZanu PF.

Bhora musangano kuMasvingo uko nhengo dzeZanu PF dzakakundwa musarudzo dzinonyoresawo kukwikwidza musarudzo, ukuwu MDC Alliance ichitadza kuwirirana pavanhu vekunyoresa izvo zvaita kuti mapato anyorese vanhu vawo zvisineyi nechibvumirano chekusakwikwidzana musarudzo.

Zvinhu hazvinawo kumira zvakanaka muBulawayo uko MDC Alliance inoona vanhu vebato rimwe chete vachinyoresa kukwikwidza muBulawayo Central

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm, nhasi tiri kutarisa kunyoreswa kwaitwa mazita evanhu kuNomination Courts munzvimbo dzakasiyana siyana munyika yose.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG