Accessibility links

Breaking News

Mishina yeNewsDay Inotorwa Mimwe Ichipwanywa


Bepanhau reNewsday rinoti michina inochengeterwa nhau yakabiwa, zvimwe zvinhu zvikapazwa mushure mekunge vanhu vasiri kuzivikanwa kuti ndivanani vapinda husiku vakaparadza zvinhu zvinokosha zviuru nezviuru zvemadhora.

Mukuru weAlpha Media Holdings, VaRaphael Khumalo, vanoti varwadza zvikuru nezvaitika nekuti zvinodzorera shure basa ravo, uye zvauya mazuva mashoma pasi rose riri kugadzirira kupemberera nyaya ye World Press Freedom Day.

Mupepeti weNewsday, Va Brian Mangwende, vanoti kupazwa kwakaitwa mahofisi avo kunoratidza kuti vanhu vakaita izvi inyanzvi dzaiziva zvadzaitsvaga.

VaMangwende vanoti vari kuita tsvagiridzo nemapurisa kuti vaone kuti ndiani akaita izvi.

XS
SM
MD
LG