Accessibility links

Breaking News

Misangano yeKunzwa Pfungwa dzeVanhu Yofambira Mberi kuMatabeleland South.


Misangano yekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pezvavanoda kuti zvinge zviri mubumbiro idzva remitemo yenyika inonzi iri kufamba zvakanaka mudunhu reMatbeleland South.

Mumwe mutevedzeri wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva, Amai Gladys Gombani Dube, vanoti vanhu vakawanda vari kupinda mumisangano yavo kuMatabeleland.

Asi Studio7 haina kukwanisa kunzwa kune vamwe vari mumatunhu akasiyana siyana kuti tinzwe mafambiro ari kuita zvinhu mumatunhu avari kushanda vari.

Zimbabwe iri muchirongwa chekunyora bumbiro idzva rinobva muvanhu senzira yekuzadzisa zviri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement. Izvi zvinofanirwa kuitwa mukati memwedzi gumi nemisere kubva pakaumbwa hurumende yemushandira pamwe.

Mushure mekunge bumbiro iri ranyorwa, panofanirwa kuitwa referendamu yekunzwa kana vanhu vachitambira kana kusatambira zvinenge zviri mumbumbiro idzva.

Zimbabwe yakambonyora bumbiro idzva muna 1999, asi veruzhinji vakaramba kuritambira mureferendamu yakaitwa muna Kukadzi 2000, zvichitevera kurudziro yavakapihwa nesangano reNational Constitutional Assembly.

XS
SM
MD
LG