Accessibility links

Breaking News

Copac Yoshambadza Misangano Ichaitirwa muHarare neBulawayo


Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva yeCopac, inoti misangano ichaitwa muBulawayo nemuHarare yava kutoshambadzwa kuitira kuti vagari vemumaguta aya vagare vakazivaswa.

Mutevedzeri wemumwe wemasachigaro eCopac, Amai Gladys Gombani Dube, vanoti zvinhu zvese zvava mugwara kuitira kuti nhengo dzavo dzikwanise kupinda muHarare neBulawayo musi wa 18 na 19 Gunyana.

Hurumende inoti inofanirwa kunge yapedza chirongwa chekunzwa pfungwa dzevanhu mwedzi uno usati wapera. Kana izvi zvichinge zvaitwa, hurumende, kuburikidza neCopac, ichanyora bumbiro idzva kubudikidza nezvinenge zvabva muvanhu.

Pane hurongwa hwekuita referendamu yekuda kuona kuti vanhu vanotambira here kana kuti kwete bumbiro rinenge ranyorwa.

Zimbabwe yakaita chirongwa chakadai muna 1999, asi veruzhinji vakaramba kutambira bumbiro iri mureferendamu yakaitwa muna Kurume 2000.

XS
SM
MD
LG