Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanosangana neVakuru veMabhanga ePasi Rose


VaEmmerson Mnangagwa ku DAVOS,Switzerland

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaita misangano yakasiyana siyana nevakuru vemabhanga anoshanda nenyika dzepasi rose.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaita misangano yakasiyana siyana nevakuru vemabhanga anoshanda nenyika dzepasi rose.

VaMnangagwa vaiudza vakuru vemabhanga aya pamire Zimbabwe, uye matanho ayiri kutora mukubhadhara zvikwereti kumabhanga aya. Vose vakuru vemabhanga anoti International Monetary Fund, IMF, World Bank, WB, neAfrican Development Bank, ADB, vakaratidza kufarira matanho ari kutorwa naVaMnangagwa.

VaMnangagwa vakataura nevakuru vakuru vese ava pamusangano weku Davos vachiti vari kuzadzisa chinangwa chavo chekukoka nyika dzekunze nemabhanga makuru epasi rose kuti vaite bhizimisi uye kuzodyara mari dzavo muZimbabwe.

Nhaurirano pakati pemabhanga aya nehurumende yeZimbabwe dzava nenguva dzichiitwa pasina chiri kunyatsofamba chinotaridza kuti pane anoda kushanda neZimbabwe.

Mutevedzeri wegurukota rezvemari, VaTerrence Mukupe, varumbidza VaMnangagwa nebasa guru ravanoti kuDavos rekushambadza Zimbabwe kunyika nekumabhanga anogona kubatsira nyika kuti idzokere pachinzvimbo chekugona kukwereta ichibhadhara zvikwereti zvayo nenguva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaurawo panyaya imwe cheteyo munyori wezvemari mubato re MDC, VaTapiwa Mashakada, vatiwo zvakaitwa naVaMnangagwa zvakanaka chose uye zvinotaridza kuti vane gwara rekugadzirisa zvinhu munyika.

Asi vati chitsvambe chasarira hurumende yaVaMnangagwa kuti itaridze pasi rose kuti vachaita zvose zvavari kuvimbisa uye kuona kuti mitemo yemunyika yagadziriswa kuitira kuti nyika ifambire mberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG