Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vofudziswa Ingwe neVechidiki veChipangano muHarare


Vanonzi ndevechidiki veZANU PF, avo vanozivikanwa nezita rekuti Chipangano, vanonzi varura zvikuru muHarare izvo zvopa kuti vatore nzvimbo dziri pasi pekanzuru dzakawanda dzakafanana nemisika nezviteshi zvemabhazi, uye kutora mari dzemitero vachityorera muhomwe dzavo pamadiro.

Vagari vemuHarare vanoti vave kutoita sekunge vari kufudza mbada nekuti veChipangano ava vave kuita mubhedha mutemo, sezvo mapurisa ari kutya kuvatsiura, uye kutonga achitarisa kuti wabuda mumba maani.

NeChipiri vedzimotokari dzinotakura vanhu vakabvisiswa chiri kumeso pamberi pekamba huru yemapurisa, yeHarare Central, asi mapurisa haana chaakaita.

Mutauriri weZANU PFVaRugare Gumbo vati vanhu veChipangano havasi vebato ravo asi munyori anoona nezvemabasa mubato iri VaDidymus Mutasa vakati veChipangano ava inhengo dzevechidiki dzeZANU-PF, vakati kana dzakasungwa vachadzitsvagira magweta.

Amai Theresa Makone rimwe remakurukota ezvemukati menyika vati vanhu pamwe chete nemapurisa vari kuoneswa ndondo nechikwata chinonzi nevamwe ndechemakororo ichi.

Vatiwo ivo pachavo vari kushaya masimba ekuranga chikwata ichi.

XS
SM
MD
LG