Accessibility links

Breaking News

Kudzingwa Muna Mazowe kweVanhu vekuChina Kofadza Vagari


map of zimbabwe
map of zimbabwe
Vagari vekuUzumba, neMaramba-Pfungwe vanoti vanotambira nemufaro kudzingwa kwezvizvarwa zvekuChina zvaichera goridhe muna Mazowe zviri kunze kwemutemo.

Vagari vazhinji vemunzvimbo idzi vanoti pakauya zvizvarwa zvekuChina munzvimbo iyi hazvina kupinza vanhu vakawanda basa uyewo zvaive nehutsinye sezvo zvainge zvave kuvarambidza kuti vacherewo goridhe kubva muna Mazowe.

Zvichitevera kuchema chema kweveruzhinji, hurumende yakadzinga zvizvizvarwa zvekuChina muna Mbudzi nechikonzero chekuti zvainge zvisiri kutevedza mitemo yekuchengetedza mamiriro enzvimbo dzavanoshandira kana Environmental Management Assessment regulations.

Amai Jesica Kamuzhanje, avo vanogara mubhuku rekwaKaridza, vanoti vanofara nedanho rakatorwa nehurumende iri.

Vanoti sezvo nzvimbo iyi ine nzara, vanorarama nekuchera goridhe murwizi urwu uye vange vave kutadza kuita izvi kubvira pakauuya zvizvarwa zvekuChina.

Mumwe Mugari wemunzvimbo iyi, VaJoey Gwangwadza, vanotiwo nzvimbo iyi haina chayakawana pakuuya kwevanhu vanobva kuChina vachiti masabhuku chete ndiwo akawana cheuviri sezvo aipihwa chioko muhomwe nevanhu ava.

Veruzhinji munzvimbo iyi vanoraram nekuchera goridhe munaMazowe iro vanotengesa vachiwana mari yekutenga chikafu nekuriritira mhuri dzavo.

Gurukota rinoona nezvicherwa nemigodhi, VaWalter Chidhakwa, vakaudza paramende munguva pfupi yapfuura kuti vakatora danho rekudzingwa zvizvarwa zvekuChina kubva muna Mazowe nekuti zvainge zvisiri kutevedza mitemo yenyika.
VaChidhakwa vanoti wese anoda kutanga bhizhimisi munyika anofanira kutevedza mutemo.

Pasi pemutemo wenyika, vese vanotanga mabhizimisi munyika vanofanira kupa hurongwa hwavo kuhurumende hwekuchengetedza nzvimbo yavenenge vachiitira bhizimisi kana kuti Environmental Impact Assessment.
XS
SM
MD
LG