Accessibility links

Breaking News

Mhuri yeMDC Yobatana Kuchema Amai Vimbai Tsvangirai Java


Amai Vimbai Tsvangirai Java

Mumiriri weGlen View South mudare reparamende vari nhengo yeMDC Amai Vimbai Tsvangirai Java avo vakaita njodzi yemumugwagwa muna Chivabvu vashaya muchipatara cheWest End muHarare.

Mutauriri wemhuri vari munin’ina waVaTsvangirai, VaManase Tsvangirai vanoti semhuri vange vaine chivimbo chekuti Amai Tsvangirai Java vachabuda muchipatara asi vazongonzwa shoko rekuti vainge vatisiya nhasi. Vari kuchemerwa kuStratahaven muHarare pari zvino.

Amai Tsvangirai Java mwanasikana wevaive mutungamiri weMDC muchakabvu Morgan Tsvangirai. Njodzi iyi yakaitikira kuKwekwe vachibva kumusangano weMDC. Dzimwe nhengo mbiri dzebato iri VaPaul Rukannda naVaTafadzwa Mhundwa vakashayao munjodzi iyi.

Kunyangwe vainge vari muchipatara, Amai Vimbai Tsvangirai Java vakasarudzwa mwedzi wapera kuita munyori mukuru wegungano remadzimai muMDC reWomen’s Assembly.

Zvichakadaro, mumashoko kuvatori venhau, bato reMDC raburitsawo mashoko kuvatori venhau richiti riri kunetsekana zvikuru nekushungurudzika nerufu urwu. Rati riri kubatana nemhuri mumunamato nekuchema amai vimbai Tsvangirai Java.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG