Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Yotekeshera Pamberi peSarudzo


Mapato anopikisa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu anoti nyaya dze mhirizhonga uye kurwiswa kwevanhu vanotsigira mapato anopikisa kuri kuramba kuchienderera mberi munyika zvisineyi nekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazivisa kuti vanoda sarudzo dzinerunyararo.

Vagari veku Bindura vazivisa Studio 7 kuti vashungurudzwa nekutyisidzirwa nevamwe vakuru vebato reZanu-PF munharaunda iyi.

Vamwewo vari kuShamva neku Mt Darwin vanoti naivowo vari kuvimbiswa kushungurudzwa nekudzingwa munzvimbo dzavanogara vakasavhotera bato riri kutonga re Zanu PF.

Chimwe chikwata chebato rePDP rinotunganmirirwa navatendai bioti chinoti mumwe wavo ambunyikidzwa akakandwa mumvura neku rohwa ne mumwe aimbove mukuru mukuru muchiuto ku mandara ku harare mangwanani anhasi nechikonzero chekunamira ma posita ebato ravo.

Asi veZanu-PF kuchibvumidzwa veZanu-PF chete. Veruzhinji vanoti nyaya dzemhirizhonga nekutyisidzirwa kwevanhu hadzisi kutorwa se dzakakosha nemapurisa

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa senior assistant commissioner charity charamba kana mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa. Asi mapurisa akazivisa kare kuti vanoita mhirizhonga vachasungwa.

Mukuru we sangano reZimbabwe Yadzoka/Maibuye IZimbabwe Doctor Victor Chimhutu vanoti nyaya yemhirizhonga iri kuwanda zvakanyanyisa izvo vati hazvienderana nemashoko emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ekuti vanoda sarudzo dzisina mhirizhonga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG