Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yopikisa Kovhoterwa kweBhajeti reGore Rino


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa
Apo dare reparamende rinotanga kuzeya bhajeti renyika regore rino svondo rinouuya, MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti haisi kuzotsigira bhajeti iri sezvo risina charinopa kuvashandi vehurumende pamwe neveruzhiji.

Vachitaura nevatori venhau pamusoro pemabatirwo evashandi vehurumende pamwe nekuvhara kuri kuita makambani akawanda munyika, gurukota reMDC-T risiri muhurumende richiona nezvevashandi, Amai Paurina Mpariwa, vanoti hapana chekutombozeya pabhajeti rakaturwa muparamende.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakatura bhajeti remabhiriyoni mana nemazana maviri ezviuru zvemadhora.

Nhengo dzedare reparamende dzichazeya bhajeti iri uye dzinofanira kuripasisa risati ratanga kushanda.

Asi kunyange nhengo dzedare iri kubva kuMDC dzikasatsigira bhajeti iri, nhengo dzeZanu PF dzinongoripasisa sezvo dzakawanda kudarika zvikamu zvinodiwa kuti bhajeti ripase.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumukokeri weZanu PF muparamende, VaJoram Gumbo, sezvo nharembozha dzavo dzange dzisingadavirwe.

Amai Mpariwa vashorawo gurukota rinoona nezvevashandi, VaNicholas Goche, nekuvhunditsira vashandi vehurumende vari kuda kuratidzira svondo rinouya vachitsutsumwa nekutadza kuri kuita hurumende kuvatambirisa mari dzavanoda.

Vati zviri kuitwa naVaGoche zvinotyora bumbiro idzva remitemo iro rinopa vashandi kodzero dzekuratidzira.

Mukutanga kwesvondo rino, VaGoche vakayambira kuti vachotorera matanho vashandi vehurumende vacharatidzira zvisiri pamutemo, izvo zviri kushorwa naAmai Mpariwa.

Vatiwo kusawirirana kuri mumasangano evashandi vehurumende kuri kukonzerwa nenyaya yekuti Zanu PF haisi kuda kuvandudza mitemo inoona nezvevashandi pamwe nekuvapa simba panhaurirano dzemihoro nemashandiro avanoita.

Vatiwo kutsamwa kwevashandi vehurumende kunokonzerwa nekutadza kwehurumende yeZanu PF kubhadhara mihoro inovafadza sezvayaivavimbisa apo yaitsvaga rutsigiro musarudzo dzapfuura.

Hatina kukwanisa kubata VaGoche kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Asi mukutanga kwesvondo rino VaGoche vakati hurumende ichawedzera mihoro yevashandi vayo.

Asi havana kutaura kuti ichawedzerwa zvakadii vachiti izvi zvichabuda munhaurirano dzairi kuita nevashandi vayo.

Masangano anomirira vashandi vehurumende anoda kuti mushandi anotambira mari yepasi pasi atambire madhora mazana mashanu nemakumi mana nechidimbu kubva pamadhora mazana matatu pari zvino.

Vamwe vashandi mubazi raVaGoche pamwe nebazi rezvemari vasina kuda kudomwa nemazita vaudza Studio 7 kuti hurumende pari zvino haina mari yekutambirisa vashandi vayo mari dzavanoda.

Amai Mpariwa vatiwo bato ravo harisi kufara nenyaya yekuti vanhu vakawanda munyika vari kurasikirwa nemabasa sezvo makambani mazhinji ari kuvhara nekuda kwekuoma kwaita zvinhu munyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG