Accessibility links

Breaking News

Mari Yotsakatika muMDC-T kuMashonaland East?


Nhengo zhinji dzebato reMDC-T kuMashonalanda East dzainge dzakamirira bato iri munzvimbo dzekuvhotera musarudzo dzemuna Chikunguru dzinoti hadzisati dzapihwa mari dzebasa ravakaita mushure mekunge mari dzavaifanira kupihwa dzashandiswa zvisina mwero nevashandi vebato iri kumahofisi aro kuMarondera.

Kunyange hazvo mutauriri webato iri, VaDouglas Mwonzora, vachiti hapana chavari kuziva pamusoro penyaya iyi, mutauriri webato iri kuMashonaland East, VaGraham Nyahada, vanoti bato ravo riri kutotsvaga mari yekubhadhara vanhu ava.

VaNyahada vanoti pane vanhu vanodarika makumi manomwe vasati vabhadharwa nhanhasi uye vanoti ongororo yavakaita yakaratidza kuti vashandi vebato iri kumahofisi ekuMarondera vainge vashandisa mari zvisina mwero.

Mari inonzi yakatsakatika inosvika zviuru makumi maviri nezvitatu zvemadhora.

VaNyahada havana kutaura kuti izvi zvakaitika sei. Asi vanoziva nezvenyaya iyi vanoti vamwe vanhu vaimirira nhengo dzebato musarydzo vaipihwa mari shoma pane yavaifanirwa kupihwa uye vamwe havana kutopihwa mari yacho zvachose.

VaMwonzora vanoti kana izvi zvakaitika bato rine nzira dzarinoshandisa kuranga vanenge vatora mari dzemusangano.

Humbowo hune Studio 7 hunoratidza kuti mumwe wevashandi ava ange ari kuferefetwa nenyaya iyi, Gyneth Ganya, akatosiya basa musi wa 31 Gumiguru.

Mushandi uyu akanyora tsamba yekusiya basa kumukuru anoona nezvekufambiswa kwemari nemabasa muMDC-T, Amai Rumbidzai Nyamayemombe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna Amai Nyamayemombe kana vakatambira tsamba yekusiya basa kwaGanya.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG