Accessibility links

Breaking News

MDC Yotsvaga Mari Yekuita Musangano Wayo Mukuru


Munyori mukuru webato iri, Va Tendai Biti, vakataura muHarare nezuro kuti musangano uyu uchaitirwa mu Bulawayo

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti iri kutsvaga mari inosvika mamiriyoni mashanu emadhora kuti ikwanise kuronga musangano wayo we congress uyo uri kutarisirwa kuitwa mwedzi waChivabvu usati wapfuura.

Munyori mukuru webato iri, Va Tendai Biti, vakataura muHarare nezuro kuti musangano uyu uchaitirwa mu Bulawayo.

Hatina kukwanisa kubata Va Biti, asi munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa ezvematongerwo enyika, Va Elias Mudzuri, vaudza Studio 7 kuti bato ravo harina mari iyi nokudaro riri kukumbira kushamwari nevatsigiri vebato ravo kuti vawane mari iyi.

Va Mudzuri vati hurongwa hwese huri kufamba zvakanaka kugadzirira musangano mukuru uyu. Vayambira vari mumatunhu kuti vaite sarudzo dzakachena kutsvaga vatungamiriri vachavamirira ku congress iyi uye makore are kutevera.

XS
SM
MD
LG