Accessibility links

Breaking News

MDC yaVa Tsvangirai Inoti Haidi Va Gadhafi ku Zimbabwe


Musangano we MDC inotungamirirwa naVa Morgan Tsvangira inoti ichaita zvese zvainogona kuvhara kuti vaimbova mutungamiriri we Libya Colonel Muammar Gadhafi vasaenda kunotsvaga hupoteri ku Zimbabwe.

MDC iri kuti Va Gadhafi ngavagare munyika mayo kana kuti ngavaende zvavo kune dzimwe nyika dzisiri Zimbabwe.

Va Gadhafi vakuburitswa mu hofisi nevarwi verusununguko avo vanga vachivarwisa kwemwedzi mitanhatu yapfuura.

Mutauriri we ZANU-PF Va Rugare Gumbo vati havana chekutaura panyaya iyi kusvika pava nechokwadi chekuti chii chichaitika.

Va Douglas Mwonzora ndivo mutauriri we MDC. Vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe yakatoremerwa kare nekuchengeta vaimbova mutungamiriri we Ethiopia Va Mengistu. Vati kuuya kwaVa Gadhafi ku Zimbabwe kunozoita kuti nyika ionekwe seinotsigira vadzvanyiriri vanotyora kodzero dzevanhu.

Zvichakadaro hofisi yekunze kwenyika mu Zimbabwe yati hapana munhu wairi kutaura naye wekuLibya pamusoro pekuti vaGadhafi vaende ku Zimbabwe. Hofisi iyi yati manyepo kuti Va Gadaffi vachaenda ku Zimbabwe.

XS
SM
MD
LG