Accessibility links

Breaking News

VaMudzuri Vanoti Mazano Ngaapanganwe paNyaya yeHutungamiri muMDC-T


Komiti yepamusoro soro inoona nezvekufambiswa kwemabasa ebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, MDC-T, yeNational Standing Committee, yasangana muHarare neChitatu ikazeya zvinyorwa zvakaburitswa mubepanhau re The Standard nemumiriri we Warren Park mudare reparamende, VaElias Mudzuri.

Mushure mekuzeya nyaya iyi, komiti iyi inonzi yabuda nechisungo chekunotaura naVaMudzuri kuitira kuti vatsanangure zvakapa kuti vanyore pfungwa dzavo pazvinhu zvinofanirwa kunge zvichikurukurwa mubato.

Vakuru veMDC-T vasina kuda kudomwa nemazita vaudza Studio 7 kuti vamwe vakuru vebato havana kufara kuti VaMudzuri vainge vakanda nyaya iyi kuruzhinji.

Asi vamwe vanonzi vati hapana chakaipa pane zvakanyorwa naVaMudzuri, sezvo vaipa pfungwa dzavo pamatanho avanofunga kuti anofanirwa kutorwa nebato kuitira kuti rifambire mberi.

Sachigaro webato iri, VaLovemore Moyo, ndivo vanzi vataure naVaMudzuri, vozopira ku National Standing Committee, zvavanenge vakurukura naVaMudzuri.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti havarambidze vanhu kutaura nezvehutungamiri asi kuti vanoda kuti nyaya idzi dzisaendeswe kumapapenhau dzotaurwa mubato chete.

Vachinyora mubepanhau reStandard, VaMudzuri, avo vane zvidzidzo zveMasters Degree in Public Administration zvavakaita paKennedy School of Government pa Harvard University, vanoti pane zvinhu zvishanu zvinoda kuzeyiwa nebato zvakanangana mushure mesarudzo dzemuna Chikunguru, idzo dzakaona Zanu-PF ichidzokera mumasimba, kunyange hazvo MDC-T ichiti dzakabiridzirwa.

VaMudzuri vanoti chekutanga ndechekuti hutungamiri huripo honugona kuramba huripo kusvika pakuenda kukongiresi ichaitwa muna 2016.

Chechipiri, Engineer Mudzuri vanoti panogona kuitwa kongiresi yechimbichimbi senzira yekutsvaga vatungamiri vanotarisirwa nevatsigiri vebato.

Chechitatu ndechekuti VaTsvangirai nehutungamiri hwavo hwokwikwidzwa muna 2016 pachaitwa kongiresi powanikwa vanhu vanotungamira bat.

Rimwe danho rechina ringatorwe nebato ndere kuti VaTsvangirai vanogona kuti pangu ndasakura ndapedza, vosiira vamwe kuti vabate matomu.

Danho rekupedzisira, rinova chechishanu, ndere kuti VaTsvangirai varambe vachitungamira bato vachitsigirwa neveruzhinji, vanenge vachipikisana nazvo vosiyana neMDC-T.

VaMudzuri vanoti aya ndiwo maonero avo sechizvarwa chenyika chinoda zvakadzama nyika yacho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG