Accessibility links

Breaking News

MDC Inoshoropodza ZMC paNyaya yaVaMahoso


VaMahoso, vachishandiswa nevaimbove gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Va Jonathan Moyo, vakavharisa mapepanhau akaita se Daily News ne Tribune

MDC yashoropodza zvikuru kupihwa basa ra chief executive officer we Zimbabwe Media Commission, kwaitwa Va Tafataona Mahoso. Va Mahoso vanoshorwa zvikuru mabatiro avakaita vatori venhau pavakanga vari sachigaro ve Media and Information Commission, iyo yakabviswa zviri pamutemo.

VaMahoso, vachishandiswa nevaimbove gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Va Jonathan Moyo, vakavharisa mapepanhau akaita se Daily News ne Tribune.

Mutori wenhau weZimbabwe Standard, Vusimusi Sifile, anoti vatori venhau havasi kufara nekudzoka kwaVaMahoso.

Gweta rinozivikanwa zvikuru munyika, Amai Beatrice Mtetwa, vanotiwo zvinoshamisa kuti VaMahoso vadzoswa nerweseri. Amai Metwa vanoti makomishina haafaniri kutambira nyaya iyi vachiti vanofanira kuramwa kushanda nekomisheni iyi kana Va Mahoso vakaramba varipo.

Rimwe gweta rinomirira vatori venhau, Va Andrew Makoni, vanotiwo kudzoka kwaVa Mahoso kunokatyamadza zvikuru.

XS
SM
MD
LG