Accessibility links

Breaking News

MDC Inombomisa Basa VaShonhe


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, yambomisa basa mushandi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato iri, VaToindepi Shonhe, pamwe nemumwe mushandikadzi mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato iri.

Vaviri ava vambomiswa basa zvichitevera chisungo chakabuda nehutungamiri hwebato iri.
Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza vatori venhau kuti vaviri ava vambomiswa kuitira kuti bato iri riongorore kuti zvakaitwa nevaviri ava hazvityori here mitemo yebasa mubato iri.

VaChamisa vati bato ravo rasarudza nhengo mbiri dze National Executive, VaNorman Mabhena pamwe naAmai Lucia Matibenga, vachishanda negwata, VaInconcent Chagonda, kuti vaongorore nyaya iyi mukati memazuva masere anotevera.

VaChamisa havana kuda kutaura zvakaitika chaizvo izvo zvapa kuti bato ravo rimbomisa VaShonhe, vachingoti chete bato ravo rinoda kuona kuti izvi hazvina kusvibisa bato here kana kuti kwete.

Nyaya yaVaShonhe yakabuda mupapenhau nemusi weMuvhuro ichiti VaShonhe vakarwisana nemurume wa Sandra Mutsimba muhotera yekuBulawayo. Izvi zvakaitika mushure mekunge VaShonhe vawanikidzwa vaine mudzimai uyu, anove mudzimai wemunhu. Izvi zvakaburitswawo pavhidhiyo iyo iri kuonekwa nevanhu vakawanda.

Panyaya yemumiriri weZimbabwe kuAustralia, Muzvare Jackie Zwambila, avo vari kunzi vakabvisa mbatya dzavo pamberi pevashandi vechirume pamuzinda weZimbabwe kuAustralia, VaChamisa vati MDC ichakwanisa kutora matanho chete kana hurumende ichinge yapedza ongororo yairi kuita pamusoro penyaya iyi.

Muzvare Zwambila vakadaidzwa kuti vazotsanangura kubazi rinoona nezvekunze kwenyika kuti zvinhu zvakafambasei ku Australia.

VaChamisa vatiwo vanovimbawo kuti muyananisi panyaya yeZimbabwe, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vachakwanisa kupedza gakava riri pakati paVaMugabe naVaTsvangirai apo vachange vari muHarare nemusi weChishanu.

VaZuma vari kuenda kuHarare mushure mekunge musangano wevatungamiri venyika dzemuSADC vatadza kuzeya nyaya yeZimbabwe pamusangano wekuBotswana nekuda kwekuti vatungamiriri vedzimwe nyika dziri muSADC Troika vainge vasina kuenda kumusangano uyu.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti hadzione SADC ichikwanisa kugadzirisa gakava riri muZimbabwe

XS
SM
MD
LG