Accessibility links

Nhengo yeMDC-T Yokurudzira Paramende Kusacherechedza BAZ

  • Sandra Nyaira

Mumiriri weMbizvo mudare reparamende uye vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, VaSettlement Chikwinya, vakwidza mudare reparamende nyaya yekuti dare iri risatambire zvakaitwa neBroadcasting Authority of Zimbabwe, BAZ, iyo yakapa marezinesi maviri ekutepfenyura munyika kune vanofungidzirwa kuti vane hukama hukuru nebato reZANU-PF.

Vakapihwa marezenisi aya makambani eZi FM Radio, iyo iri pasi paVa Supa Mandiwanzira, pamwe nekambani yeZimpapers, iyo iri pasi pehurumende.

VaChikwinya vanoti BAZ haina kuumbwa zviri pamutemo sezvinodiwa neGlobal Political Agreement, chinova chibvumirano chakapa kuti hurumende yemubatanidzwa iumbwe.

VaChikwinya vanoti chibvumirano ichi chinosungira vatungamiri vavatu vemapato ari muhurumende kugara pasi vachidoma vanhu vanofanirwa kutora zvinzvimbo muhurumende.

Izvi hazvina kuitwa pakaumbwa BAZ negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu.

VaChikwinya vari kuda kuti dare rikurukure nyaya iyi rowirirana kuti BAZ inofanirwa kubviswa poiswa itsva uye marezinesi aya okanzurwa potangwa hurongwa hutsva.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Va Charles Mangongera, avo vanotaura vakazvimirira vanoti havaoni dare reparamende richichinja zvakatoitwa kare ne BAZ kunze kwekukwidza nyaya iyi kune vatungamiri vemapato muhurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG