Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Hurumende yaVaMugabe Inofanira Kubvuma Kuti Yakundikana


Mutauriri weMDC VaObert Gutu vanoti bato rinonzwisisa zvichemo zvevana veZimbabwe vakaratidzira kuBeitbridge nemusi weChishanu.

Mumashoko avo kuvatori venhau, VaGutu vati hurumende yakaresva apo yakarambidza varombo kuti vapinze zvinhu munyika zviri kuvararamisa.

Vati Zanu-PF yakundikana kuwanira vanhu mabasa nenyaya yehuori hunotyisa uye nekutadza kutonga. VaGutu vati mamiriyoni evanhu muZimbabwe ave kurarama nekutengesa zvinhu mumigwagwa uye kuda kuvarambidza kutadza kunzwisisa matambudziko avakatarisana nawo.

Kuratidzira kwakaitwa nemusi weChishanu kuBeitbridge kwakasiya imba inochengeterwa zvinhu neZIMRA yatsva uye bhodha rakambovharwa kwemaawa akawanda. Asi neMugovera range rave kushanda asi zvinhu zvichiratidza kuti hazvina kumira zvakanaka.

Zvichakadaro, vanoona nezvehupfumi mubato iri VaTapiwa Mashakada vakurudzira hurumende yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti ibude pachena kuti haina mari yekudzorera zvikwereti zvemabhanga makuru anokweretesa mari akaita seInternational Monetary Fund neWorld Bank.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare svondo rino vanoona nezvehupfumi mubato iri VaTapiwa Mashakada vakati nyika yazogwadama uye kuda kuparurwa kwemari yemabond notes pamwe nekusapa vanhu mari dzavo dziri mumabhanga hazvigadzise nyika iyo yoenda kumawere.

VaMashakada vanoti bhanga reIMF rinenge richingoda mari yaro uye haritarise kutambura kunenge kuchiitwa munyika kusvika nyika yazvibudira pachena kuti haina mari inonzi pachirungu Highly Indebted Poor Country (HIPC). Zimbabwe ine chikwereti chinosvika mabhiriyoni gumi emadhora

VaMashaka vanotiwo hurumende inofanirwawo kubvisa mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema kuti iwane mari dzinobva kunze kwenyika.

VaTakanayi Mureyi vanoona nezvekusimudzirwa kwemakambani nekutengeserana kubato reMDC vashoropodzawo hurumende yaVaMugabe nemutemo wavakaisa kumisa zvinhu zvinotengwa kunze kwenyika zvizhinji zvacho zvichibva kunyika yeSouth Africa.

Zvimwe zvezvinhu zvakuda rezinesi kupinza munyika zvinosanganisira mubhedha, beans, mukaka wekuisa mutea, mvura, dovi, maheu, mafuta ekuzora akadai secamphor nezvimwewo.

Asi vaAndrew Tsiga mumwe muzvinabhizimusi muHarare varumbidza hurumende mukutora matanho ekurambidza zvinobva kunze vakati zvinogona kubatsira kuti makambani asimukire.

Asi vaTsiga vakurudzirawo hurumende kuti itange yaongorora mamiriro akaita makambani munyika nekuti angabatsirwa sei vasati vatanga kurambidza zvinobva kunze kwenyika.

Gurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vari kumhanya-mhanya kuda kubhadhara chikwereti chenyika asi zvipatara hazvina mishonga uye hurumende yave kuomerwa zvakanyanya.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG