Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC-T 21 Dzinorasirwa Mhosva yeKuuraya Mupurisa muGlen View


Nhengo dzeMDC-T makumi maviri neimwe kubva panhengo dzebato iri makumi maviri nepfumbamwe dziri kupomerwa mhosva yekuuraya mupurisa, kuGlen View muna 2011, dzawanikwa dzisina mhosva yadziri kupomerwa nedare repamusoro.

Asi mutongi wedare iri ati vamwe vacho vanomwe vanofanirwa kutonga nemhosva yavari kupomerwa.

Vachipa mutongo wavo wekuburitsa vanhu ava, avo vanosanganisira mukuru wevechidiki muMDC-T, VaSolomon Madzore, Justice Chinembiri Bhunu vati mapurisa akatadza kupa humbowo hunoratidza kuti vanhu ava vakapara mhosva.

Vatiwo mapurisa aiipa humbowo hwemanzwira nzwira uye dare harishandisi humbowo hwakadai.

Vatiwo mapurisa haana kuita basa rawo nemazvo vakati semuunzaniso, mapurisa akasunga Muzvare Cynthia Manjoro senzira yekuda kubata mukomana wake uyo anonzi aivepo pakaurayiwa Inspector Petros Mutedza.

Vati mapurisa akatadza basa apo akasunga Muzvare Manjoro kunyange hazvo ainge avataurira kuti ainge ari kuchechi pakafa VaMutedza.

Justice Bhunu vati VaMadzore vakaita munyama wekusungwa nekuendeswa kujere vasina kana mhosva yavakapara.

Vanzi vachatongwa nenyaya yekuuraya VaMutedza, ndiVaTungamirai Madzokere, avo vakasarudzwa sakanzura we Harare vari mujeri, VaLast naVaLazarus Maengahama, VaPhinias Nhatarikwa, VaEdwin Muingira, VaPual Rukanda naMuzvare Yvvone Musarurwa.

VaBhunu havana kutaura mutongo wavo pane mumwe wevanhu ava, mushakabvu Rebecca Mafukeni, avo vakashaya muna Nyamavhuvhu vachiti vanoda humbowo zviri pamutemo kuti vakashaya vasati vaita izvi.

Muzvare Manjoro, avo vawanikwa vasina mhosva vanoti kunyange hazvo vari kufara nekuwanikwa vasina mhosva, mufaro uyu waizowanda dai Rebecca ange aripo.

Mumwe wevechidiki mu MDC-T, VaGabriel Shumba, avo vatanga kunzi havana mhosva, vaswimha musodzi nekufara vachiti zvinorwadza kuti vakagariswa mujere vasina mhosva yavakapara.

VaMadzore vati hapana chekupemberera sezvo paine dzimwe nhengo dzebato ravo dzasara mujeri.

Mumwe wevasungwa ava, Amai Kerina Gweshe, vatiwo vafara nekusunungurwa kwavaitwa nedare uye vachandorara kuhotera vachipemberera zvaitika izvi.

Vanoona nezvekurongwa kwemusangano muMDC-T, VaNelson Chamisa, avo vange vari mudare vatiwo zvavaigaro kutaura kuti vanhu ava havana mhosva, zvazadzikisa nedare. Vati chishuvo chavo ndechekuti dai vanhu ava vasunungurwa vese.

VaMutedza vakatemwa vakafa mushure menyonga nyonga yakaitika kuGlen View izvo zvakazoita kuti mapurisa asunge nhengo dzeMDC-T munzvimbo iyi.

Vanhu vawanikwa vasina mhosva vakagara mutirongo kwenguva yakarebesa vasati vabhadhariswa mari yechibatiso. Vana vavo vauya kudare vachibva kutirongo uko vange vari kubva pavakasungwa muna 2011.
XS
SM
MD
LG