Accessibility links

Breaking News

Human Rights Watch Yobaya Dede neMukanwa paDambudziko reHarare


Harare City
Harare City
Gwaro raparurwa nesangano reHuman Rights Watch neChipiri rinoti nyaya yekusaita basa nemazvo kwehurumende nekanzuru yeHarare pamwe nehuwori ndizvo zviri kuita kuti dambudziko remvura risapera muguta iri.

Gwaro iri rinoti izvi zviri kuita kuti veruzhinji vabatwe nezvirwere zvinokonzerwa nekunwa kana kushandisa mvura yakasviba.

Gwaro iri rinonzi “Troubled Water: Burst Pipes, Contaminated Wells and Open Defecation in Zimbabwe’s Capital” rinoti vanhu vazhinji muguta havasi kuwana mvura yakachena uye misha mizhinji mune tsvina sezvo marara asiri kutakurwa.

Vachiparura gwaro iri, chipangamazano che Human Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti izvi zvinokonzera kuti vagari vazhinji vapedzisire vave kunwa mvura mumatsime avanochera vega uye asina kuchengetedzwa.

VaMavhinga vanoti nekuda kwekuti nzvimbo zhinji dzinogara dzisina mvura, zvimbuzi zvavo zvinenge zvisisashandi, izvo zvinozoita kuti vanhu vazvibatsire mumasango.

VaMavhinga vanoti izvi ndizvo zviri kukonzera zvirwere zvemanyoka muguta, sezvo mvura dzinopfuura nemunzvimbo dzine tsina, dziri kuzopedzisira dzasvika munzvimbo dzine mvura inenge ichinwiwa neveruzhinji.

Vanotiwo dambudziko iri rava nenguva refu riripo nekuda kwekuti kanzuru yeHarare, pamwe nehurumende, hazvina hany’a yekurigadzirisa dambudziko iri.

VaMavhinga vanoti kuti dambudziko iri ripere, kanzuru yeHarare pamwe nehurumende zvinofanirwa kushanda pamwe chete mukupedza huwori mukanzuru pamwe nekuona kuti mari yese inobviswa ichinzi ndeye mvura, yaenda kumabasa ekuwanisa vanhu mvura yakachena.

VaMavhinga vanoti kanzuru inofanirwa kusiyana netsika yekuvharira vanhu mvura uye yoona kuti vanhu vese vawana mvura yakachena.

Vanotiwo bazi rezvehutano rinofanira kuongorora zvibhorani zvese zvinoshandiswa neveruzhinji kuitira kuti vanhu vanwe mvura yakachena.

Masangano anomirira vagari vemuHarare, eCombined Harare Residents ne Harare Residents Trust, anotiwo gwaro raburitswa neHuman Rights Watch rinoburitsa pachena zvinosangana nevagari vemuHarare zuva nezuva.

Asi sachigaro veCombined Harare Residents Association, VaSimbarashe Moyo, vanoti havana kufara nekusauya kwaita kanzuru yeHarare pachiitiko ichi vachiti izvi zvinoratidza kuti kanzuru iyi haina hany’a kana shungu dzekupedza matambudziko emvura muHarare.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rekanzuru yeHarare, iyo izere nemakanzura eMDC-T, kuti seyi isina kunge ari pahurongwa hwanhasi. Human Rights Watch inoti yakakoka kanzuru yeHarare.

Gwaro iri raburitswa mushure meongororo yakaitwa neHuman Rights Watch kubva muna Gunyana gore rapera kusvika muna Gumiguru gore rino.

Ongororo iyi yakaitwa mumisha misere inogara veruzhinji inoti Mufakose, Mabvuku-Tafara, Warren Park, Glen View, Budiriro, Glen Norah, Kuwadzana neDzivaresekwa. Vazhinji vevakabvunzurudzwa vanhukadzi avo vanove vanonyanyobatikana nedambudziko rekushaikwa kwemvura.
XS
SM
MD
LG