Accessibility links

Breaking News

Vagari Vofarira Kubviswa kweMitero paZvikwereti zveMvura


Vagari vemudhorobha reMasvingo vanoti vari kufarira zvikuru chirongwa chekubviswa kwaitwa nekanzuru yavo mari yemuripo pazvikwereti zvemvura zvavanazvo kukanzuru.

Zvichitevera kubviswa kwemari idzi pazvikwereti zvavanazvo, vamwe vagari vatanga kubhadhara zvikwereti zvavo zvishoma nezvishoma vachivhurirwa mvura, dzimwe dzange dzave nemakore dzavharwa.

Guta reMasvingo mubhajeti yaro yegore rino 2018 rakabuda nechisungo chekuti vagari havachasungirwi kubhadhara mari dzinoberekwa nezvikwereti zvavo, kana kuti interest.

Danho iri rakatambirwa zvikuru nevagari avo vanonzi vakatanga kuita chipata pata vachienda kukanzuru kundobhadhara zvikwereti zvavo, izvo zvavari kataurirana nekanzuru kuti vanobhadhara zvishoma nezvishoma kusvika vapedza.

Vanenge vabvumirana kubhadhara mari idzi nekanzuru vari kubva vavhurirwa mvura kuti vaishandise.

Mumwe mugari, VaZororo Makore, vanoti vaive nechikwereti chakakura nenyaya yema interest asi paakabviswa vakatotanga kubhara vakavhurirwa mvura yavo iyo yakavhrwa mugore ra 2015.

"Ini ndohwa kufara nezvakaita kanzuru nekuti mukatariswo chikwereti change change chiri $1000 asi ne interest change chava pa $1500 asi nekuti vakwanisa kubvisa interest iya, ndakukwanisa kubhadhara ende kubva patakaita payment plan vakabva vavhura mvura takukwanisa kushandisa mvura sevamwe vese," vadaro VaMakore.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinomiririra kodzero dzevagari, reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance, Amai Esther Nyambiya, vanoti vanotambira danho iri nemufaro. Asi vanoti kanzuru inofanira kuongorora nyaya yezvikwereti zvemvura yavakatemera vagari vainge vavhariwa mvura kwenguva yakareba.

"Isu tinozvitambira tinoona zvakanaka kanzuru yaterera zvataichema kwemakore kuti ma interests charges aya anoita burden iwande kuma residents, asi tanga tichionawo kuti kune vamwewo vekuti vanenge vakavharirwa mvura kana muna 2015 bhiri roramba richiuya roratidza kunge iwe uri kushandisa mvura iyo yakavharwa mita isiri kufamba tanga tichikururdzirwo kuti vekanzuru pavabvisa maintrest emvura idzodzi vabve vabvisawo ma charges akaita seiwaya nekuti munhu anenge achibhdara zvaasina kushandisa saka tinoona zvisina kutinakira sema residents," Amai Nyambiya vatsanangura.

Kanzuru yeMasvingo yaigaro chema nekuti kusabhadharwa kwezvikwereti zvemvura nevagari kwaiitadzisa kuti iuyise mvura yakachena uye inokwanira vanhu muguta.

Dzimba dzakavhariwa mvura mudhorobha reMasvingo kwemakore mashoma apfuura dzinopfuura zviuru zvishanu, uye dzichigara vanhu vanopfuurawo zviuru makumi maviri.

Kanzera we Ward 4 muMasvingo, VaGodfrey Kurauone, vati vanhu vazhinji vave kubhadhara vachivhuriwa mvura yavo mushure mekuita chibvumirano chekubhadhadhara chikwereti pashoma nepashoma.

VaKurauone vati havasati vave nehuwandu hwedzimba dzavhurirwa mvura dzava ngani.

"Isu tinofara chose nekupindura kwevanhu nenyaya yatakataurirana yekubvisira ma interest, tiri kuona ndechimwe chinhu change chakavabata vachitadza zvichivagununĂșnisa kubhadhara zvikwereti zvavo, ndirikuona vari kuuya vachibhadhara vaita ma payment plans vachiita zvishoma nezvishoma, hatisati tave ne ma figure asi vanhu vari kuuya," vadaro VaKurauone.

Vagari muMasvingo pamwe nemapazi ehurumende ane chikwereti chekanzuru chinopfuura mamiriyoni makumi matatu emadhora izvo kanzuru inoti zviri kuitadzisa kuitira vagari mabasa ainotarisirwa kuitwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG