Accessibility links

Breaking News

Vagari Vopengera Mitero yeMigwagwa kuMasvingo


Budget Masvingo
Budget Masvingo

Vagari vemudhorobha reMasvingo vanoti havasi kufara nezviri kuitwa nekanzuru yavo zvekuti vabhadhariswe mitero yekushandisa migagwa yeguta iri, kana kuti roda levy, ivo vasina kuwirirana nekanzuru yavo.

Vagari vanoti vakatsamwa nedanho iri nekuti kanzuru haina kuuya kwavari kuzotsvaga pfungwa dzavo.

Zviri kunyanya kuvarwadza ndezvekuti pachine mutauro pamusoro pechimwe chirongwa chakadai, icho vagari vanoti havana kuona zvakashandiswa mari dzavaibatirwa.

Mumwe mugari, VaPaul Rimai, vanoti kanzuru yavo haina kupinda muvanhu zvakakwana kuti ipihwe mvumo yekutora mari inoita madhora mana paimba yoga yoga.

Masvingo ine vagari vanosvika zviuru makumi matatu. Izvi zvinoreva kuti kanzuru ichange ichiwana mari inoita zana nemakumi maviri ezviuru zvamadhora pamwedzi kubva kuvagari.

Mugari wekuMucheke, VaSamson Gororo, vanoti havaoni kushanda kwechirongwa ichi sezvo munharaunda yavo musina migwagwa yakagadzirwa pavakambobhadhara mari dzavo.

Asi meya weguta reMasvingo, VaHubert Fidze, vanoti chirongwa ichi chakadzoswa mushure mukuwirirana nevagari paigadzirwa bhajeti regore rino.

VaFidze vanoti chirongwa ichi chakakosha kugadzirisa migwagwa yashata mudhorobha sezvo mari yemigwagwa inobva kuhurumende nebazi reZinara iri shoma, Vati vachatsanangurira vagari kuti mari iyi vachaishandisa sei.

Asi vanotungamirira kufambiswa kwebasa musangano rinomirira kodzero dzevagari, reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance, VaAnoziva Muguti, vanoti vagari havana kupihwa mukana wakakwana kuti vape pfungwa dzavo panyaya iyi

"Zvavari kutaura kuti vakaita ma consultations nevanhu pamabhajeti tinozviramba nekuti ma meeting avo vaimaita vasina kushambadzwa zvakakwana kuchiinda vanhu vashoma uye nguva dzavakaita vanhu vaiva kumabasa, ivo chavakakonewa sema councilors vaifanira kuenda ku maward avo kwete zvebhajeti,: Vadaro VaMuguti.

Sangano iri rinoti riri kukurudzira nhengo dzaro kuti dzisabhadhare mari iyi kusvikira vagara pasi nekanzuru vachionesana zvakanaka panyaya iyi.

Kanzuru inotarisirwa kuwana mari inoita miriyoni imwe nemamazana mana ane makumi mana ezviuru zvemadhora pagore kubva kumitero yemigwagwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG