Accessibility links

Breaking News

Maonero eHurumende yeAmerica

Kutyorwa kweKodzero dzeVanhu muBelarus Kwanyanyisa

minsk

Sangano rezvekudzivirirwa pamwe nemushandira pamwe munyika dzemuEurope, re Organization for Security and Cooperation in Europe,kana kuti OSCE, rakaburitsa gwaro rinoratidza kutyorwa zvakanyanya kwekodzero dzevanhu muBelarus zvichiitwa nehurumende yaVaAleksandr Lukashenka munguva yesarudzo dzakabiridzirwa muna Gunyana, uye mushure mesarudzo idzi.

lukashenka
lukashenka

Sangano iri rinoti chinangwa chaVaLukashenka mukutyora kodzero pamwe nekusunga vanhu ndechekuomesera vanhu vanoda kuratidzira uye kutyityidzira vachada kuzoratidzira.

Kutyorwa kwekodzero dzevanhu vanenge vachiratidzira murunyararo, vanopikisa pamwe nevatori venhau, kunosanganisira kutochwa kwevanhu, kusungwa, kumbunyikidzwa kuti munhu asataure akasununguka, pamwe nekurambidzwa kuungana kwevanhu murunyararo.

Munyori wegwaro iri, uye vari nyanzvi munyaya dzemitemo yepasi rose, Muzvinafundo Wolfgang Benedek, vanoti zvonosuwisa kuti hapana ati amiswa mumatare nenyaya yekumbunyikidza vanhu. Muzvinafundo Benedek vanoti kusasungwa kwevapari vemhosva ava kunoburitsa pachena, kuti munyika iyi, kodzero dzevanhu dzinotyorwa pamadiro uye hapana matare anotonga zvejekerere vanopikisa hurumende.

Kuratidzira kwevanhu vakawanda kuri kuenderera mberi mu Belarus kubva zvatanga kupikiswa sarudzo, izvo zviri kuisa VaLukashenka, avo vatonga kwemakore makumi maviri nematanhatu, panguva yakaoma, asi vachiramba kuti sarudzo dzakabiridzirwa.

Belarus Protests
Belarus Protests

Masangano enhau anoti VaLukashenka vari kusimbaradza hutongi hwavo nekuvhara muganhu wenyika uri kumadokero, kubvisa gurukota rezvemukati munyika, uye kukurudzira mauto nemapurisa kuti arwise vose vanenge vachiratidzira.

“America inoti inofadzwa nehushingi hwevanhu vemu Belarus,” vadaro gurukota reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaMike Pompeo. Vanotiwo “America icharamba ichikomekedza hurumende yemu Belarus kuti imise kusunga kwairi kuita vanhu, uye kuti inzwe zvichemo zvevanhu vanoda sarudzo dzakachena dzinoitswa pasi pemasangano akazvimirira.”

Israel US Pompeo
Israel US Pompeo

Zviri kukurudzirwa neOSCE zvinopa hurumende yemuBelarus mukana wekupedza gakava riri munyika iyi. Izvi zvinosanganisira kupinda munyika iyi kwenhumwa dzeOSCE kunoona zviri kuitika; kumiswa kwemhirizhonga iri kuitirwa vanhu vemu Belarus; uye kuona kuti vose vari kutyora mitemo, varangwa. Gwaro iri rinotiwo vose vakasungwa vabnofanirwa kuuritswa muhusungwa, uye munyika iyi munofanirwa kuva nenhaurirano dzechokwadi, dzinopindwa nemapoka ose.

Hurumende yeAmerica inoti inomira nevanhu vemuBelarus panguva iyo vari kutsvaga hutongo hwejechetere.

U.S. President Trump
U.S. President Trump

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


See all News Updates of the Day

Kodzero dzeVanhu Dzotyorwa Zvakanyanyisa muBelarus

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

America Yorwisa Huori hweChina muCambodia nePasi Rose

UDG yekuChina ichivaka nhandare yendege muCambodia

Hurumende yeAmerica yakanangana nekurwisa huori huri kuitwa neChina mumabhizimisi ichibiridzira zviwanikwa zvenyika dzakawanda pasi rose, kusanganisira Cambodia.

Hofisi yebazi rezvemari muAmerica, ye U.S.Treasury Department’s Office of Foreign Assets Control, yakatemera zvirango kambani yehurumende yeChina, yeUnion Development Group, kana kuti UDG, zvichitevera kubvuta nekuparadza kwayakaita minda yevanhu vemuCambodia kuitira kuti ivake zvivakwa pasi pechirongwa chayo che Dara Sakor Development Project, munzvimbo idzi.

UDG yakaiswa pazvirango pachishandiswa mutemo unopa mutungamiri weAmerica masimba ekutara mutemo we Executive Order 13818.Mutemo uyu wakashandiswa mukuzadzisa zviga zvemutemo weGlobal Magnitsky Human Rights Accountability Act, kutemera UDG zvirango, izvo zvinobata vanotyora kodzero dzevanhu, vanoita zvehuori, pamwe nevatsigiri vavo.

Minda yakapihwa UDG inopinda munzvimbo inochengeterwa mhuka, yeBotum Sakor National Park, inova nzvimbo ine zviwanikwa yakachengetedzwa uye inogona kupihwa kuna ani zvake pachishandiswa mitemo yakakosha yemu Cambodia.

Kuti UDG itore nzvimbo iyi, yakazvinyoresa sekambani yemu Cambodia inotungamirwa nechizvarwa chemu Cambodia, asi mukati memakore matatu yapihwa minda iyi, UDG yakazvivandudza kuve kambani yekuChina, ikaramba ichishanda pasina zvakaitwa kwairi.

China inoshandisa zvirongwa zveUDG muCambodia kuitira kuti isimbaradze zvirongwa zvayo zvehupfumi pasi rose.

Zvirongwa zvinotsigirwa neUDG zviri kubvisa vanhu vemuCambodia muminda yavo, uye zviri kuparadza zviwanikwa nezvakatikomberedza, kuvhiringa hupenyu hwevanhu vemunharaunda, zvose izvi zvichiitwa vanhu vachibatwa kumeso zvichinzi zvakanangana nekuvandudza Cambodia, pamwe nekusimbaradza kushanyirwa kwenyika iyi.

Sezviri kuitika nguva dzose, chirongwa chehurumende yeChina, che ‘One Belt One Road’, chinoshandiswa neChina mukuzvisimbaradza, asi vanhu vemu Cambodia vasina chavanowana. Ichishanda nevaimbove mukuru wemauto muCambodia, VaKun Kim, mauto emuCambodia akabvisa vanhu muminda zvechisimba kuitira kuti chirongwa che Dara Sakor chitangwe.

VaKim vakabatsira UDG kuti iwane minda iyi vakabhadharwa mari yakawanda.

Kanzuru yemakurukota emuCambodia yakaudza UDG kuti imise kupunza misha yevanhu nekutora minda yavo, asi UDG haina kuteerera izvi.VaKim vakambotemerwa zvirango neAmerica muna Zvita 2019.

America inoti icharamba ichitora matanho anorambidza China kutora zvisina mwero hupfumi hweCambodia nepasi pose, uye ichaita izvi ichashanda nemadzisahwira ayo mudunhu riri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweAsia.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Maonero eAmerica paKucheka Hukama neWHO

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Pamire America paHurongwa Hwekucheka Hukama neWHO

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump

America yagara kwenguva yakareba ichibhadhara mari yakawandisa yekubatsira vanhu pasi rose. Mari iyi inobva kumitero inobhadharwa nezvizvarwa zveAmerica paine tarisiro yakakura yekuti inoshandiswa nemazvo.

Asi izvi handizvo zvakaitwa nesangano reWorld Health Organization kana kuti WHO iro rakakundikana kuita basa nemazvo mukudzivirira kupararira kwechirwere checoronavirus nezvimwe zvirwere sezvarino tarisirwa kunge richiita.

Mutauriri webazi rehurumende reAmerica reState Department VaMorgan Ortagus vanoti WHO yakaramba kuvandudza mashandiro ayo kusanganisira kuratidza kuti haiudzwe zvekuita nehurumende yeChina.Nekudaro musi wa 6 Chikunguru gore rinouya, America inenge yabuda mugungano iri.

Asi America inoti hayo ichiri yakazvipira kubatsira munyaya dzezvehutano pasi rose.America kubva ikozvino iri kutsvaga nzira dzekubatsira dzimwe nyika dzinenge dzawirwa nematambudziko munyaya dzezvehutano kuburikidza nemapazi ayo ehurumende nemasangano akazvimirira oga.

Kubva muna 2001, hurumende yeAmerica yabatsira nemari inosvika mabhiriyoni zana nemakumi mana nemaviri kana kuti 142 billion kudzivirira kupararira kwechirwere cheHIV/AIDS, malaria, rurindi, Ebola nezvimwe zvirwere.

Mukuru mubazi rehurumende yeAmerica reState Dr. Alma Golden vanoti, Pagore America inobatsira nemari inosvika mabhiriyoni gumi pasi rose, gore rino inenge yakapetwa kaviri apo nyika dzakawanda dzinenge dzichirwisa denda reCovid-19.

VaGolden vanoti chido cheAmerica ndechekuti kunyangwe inenge isisashande neWHO, rubatsiro rwayo rwuchaenderera mberi pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG