Accessibility links

Breaking News

Mass Public Opinion Inombomira Kuita Ongororo Munyika Nekuda kweMhirizhonga


Vanoti zvaikwata izvi ndizvo zvakabuda nepfungwa yekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Va Arthur Mutambara, vasiye basa ravari kuita, kuitira kuti vamwe vaite basa iri

Sangano Mass Public Opinion Instititute, kana kuti MPOI, rinoti harina kuita ongororo munyika yose, asi kuti rakaita zvikwata zvevanhu zvaipana mazano, kana kuti focus groups, mumatunhu mashoma ari munyika.

Vanoti zvaikwata izvi ndizvo zvakabuda nepfungwa yekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Va Arthur Mutambara, vasiye basa ravari kuita, kuitira kuti vamwe vaite basa iri.

Mukuru we MPOI, Va Eldred Masunungure, zvakabuda hazvina kuba mutsvakiridzo yakaitwa munyika yese, asi kuti zvinhu zvakabuda muhurukuro dzakaitwa nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri pamwe chete.

VaMasunungure vanoti sangano ravo rambomira kuita ongororo munyika nekuti zvava kuisa vashandi vavo pakaoma, zvikuru munguva yesarudzo.

Sangano iri rinoti mumaruva mava nekutaura kwakanyanya pamusoro pesarudzo, kutyisidzirwa kwevanhu nezvimwe zvakadaro.

XS
SM
MD
LG