Accessibility links

Breaking News

Mashoko Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica Pakudyidzana neLiberia Mukurwisa Makoronyera Anotengesa Zvinodhaka.


Zvinodhaka zvinosanganisira heroine necocaine zviri kutengeswa zvisiri pamutemo kubva kuAsia nekuSouth America zvichienda kuAfrica.

Izvi zviri kukonzerwa nekuti miganhu yeAfrica haina kunyatsogadzirwa zvakakwana zvinopa kuti zvive nyore kupinda nezvinodhaka izvi.

Cocaine yakabatwa yave kuGuinea Bisssau nekuCabo Verde mumwedzi yekutanga yegore ra2019 chete inodarika yakabatwa muAfrica yose kubva muna 2013 kusvika 2016.

Hurumende yeAmerica iri kubatsira mukurwisa kutengeswa kwezvinodhaka nekupa nyika dzemuAfrica zvekushandisa kubata makoronyera aya. Mavhiki mashoma adarika,

America yakabatsira vanhu vemuLiberia nezvekushandisa zvinosanganisira hembe dzekupfeka, malaptop nezvimwe zvekurwisa makoronyera aya.

Vakafanobata chigaro chemukuru webazi rekudzivira kutengeswa kwezvinodhaka pamuzinda weAmerica muLiberia kana kuti Acting Director of the International Narcotics and Law Enforcement Affairs Section VaStephen H. Kissik vanoti nyika mbiri idzi dzave nemakore dzichidyidzana.

Vanoti vari kutarisira kuti mushandirapamwe uyu uchaenderera mberi. Kenya ne Ghana ndedzimwe nyika dzemuAfrica dziri kushanda neAmerica mukudrwisa vanotengesa zvinodhaka.

Mumwe aive mukuru mubazi rezvekudzivirirwa kwekutengeswa kwezvinodhaka muAmerica kana kuti Deputy Assistant Secretary of State for the Bureau of International Narcotics and Law Enforcement Affairs, Amai Heather Merritt, vanoti America yakazvipira kubatsira Africa kurwisa vanotengesa zvinodhaka uye vari kutarisira kushanda nenyika dzakawanda.

Vanoti kudyidzana kweAmerica nenyika dzemuAfrica kunoshanda zvakanaka kana pasina makoronyera aya anokanganisawo hutungo hwejekerere. Amai Merrit vati makoronyera akaregedzwa achiita madiro zvinokonzera kusagadzikana munyika, huori zvinozopinza hupenyu hwevanhu munjodzi.

America inofunga kuti kubatsira Africa dambudziko iri risati rakomba zvinobatsira kumisa nyaya dzehuori nemamwe mabasa erima anoitwa nemakoronyera anotengesa zvinodhaka.

Mashoko aya anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana kwayo neLiberia nedzimwe nyika dzemuAfrica pakurwisa makoronyera anotengesa zvinodhaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG