Accessibility links

Breaking News

Kuwana Magwaro Akaita seZvitupa neMapasipoti Konetsa Vagari kuMashonaland West


Under Pressure From South Africa, Zimbabwe Officials Promise Passports
Under Pressure From South Africa, Zimbabwe Officials Promise Passports

Vamwe vagari vekuMola neNegande mudunhu reMashonaland West vanoti vari kutadza kutora magwaro ekuzvarwa kwevana vavo pamwe nezvitupa nekuda kwekuti vanogara kure nenzvimbo dzinotorerwa magwaro aya.

Vachitaura muChinhoyi kukomishoni inoona nezvekodzero dzevanhu munyika, yeZimbabwe Human Rights Commission, ZHRC, iyo iri kuongorora zvimhingamupinyi zviri kutadzisa vanhu vakawanda kuwana magwaro ekuzvarwa, zvitupa, mapasipoti nezvimwe, vanhu vakawanda vati vari kutadza kutora magwaro aya sezvo kuSiakobvu, uko kune mahofisi amudzviti, kuri kure zvakanyanya.

Mumwe mugari, VaTemba Tennis, vati kwavanopihwa magwaro kure zvakanyanya uye havana mari yekuti vaende ikoko.

VaTennis vaudza komisheni kuti dai vashandi vekwamudzviti vachienda kunzvimbo dzakaita sedzavo kamwe chete pagore senzira yekuyamura vanhu sezvavanoita nguva yesarudzo dzezvematongerwo enyika.

VaTennis vati rimwe dambudziko ndere kuwana magwaro ekukiriniki kana chipatara chinenge chazvarirwa munhu ayo vati anonetsa kunotora sezvo vanenge vasina mari yekufambisa.

Mumwe mugari, Amai Ketai Siyanzira, vati nyaya yekuti munhu asina magwaro ekuzvarwa aende nemufakazi yakaomera vanhu vakawanda mudunhu ravo sezvo vachifanirwa kukwidza mufakazi uyu motokari yekuenda kumahofisi amudzviti wedunhu ravo.

Rimwe dambudziko rabuda pamusangano uyu ndere kushaikwa kwezvitupa zvezvizvarwa zvine vabereki vakabva kune dzimwe nyika dzakaita seZambia neMalawi, izvo zviri kukonzera kuti vana vavo vashaye magwaro ekuzvarwa.

Mumwe wevanhu vakatarisana nedambudziko iri, VaTobias John, vati vana vavo vari kunetsekana zvikuru nedambudziko iri nokuti ivo vakaberekerwa kunze kwenyika.

Vagari vekuMola neNegande vaunzwa nekomisheni iyi rinova danho rashorwa zvikuru nevakawanda vachiti komisheni iyi ndiyo ingadai yaenda kunzvimbo idzi kuti inyatsonzwa matambudziko ari kusangana nevanhu.

Mutauriri weZHRC muChinhoyi, VaShadreck Williams, vati komisheni yavo iri kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanhu vasina zvitupa nemagwaro ekuzvarwa vachiti bazi rinopa zvitupa harisi kushanda zvakasimba sezvo riri kunzi harisi kusvika kune dzimwe nzvimbo dziri mukatikati menyika.

Muzvare Karenga vatiwo dzimwe nguva nguva vanhu havavaudze chokwadi pavanobvunzwa, izvo vati idambudziko guru mukupa vanhu magwaro.

Mushandi mubazi rekwaRegistrar General, Muzvare Virginia Karenga, vaudzawo musangano uyu kuti bazi ravi riri kuedza neparinogona napo kuona kuti munhu wese awana magwaro zvinodiwa nemitemo yenyika.

Komisheni iyi yakafamba mumatunhu masere uye ichapedzisira nemuHarare kubva musiwa 18 kusvika musi wa 21 Mbudzi gore rino.

Asi gore rega rega, bazi iri rinopinda munzvimbo dzigere veruzhinji kumaruwa richinyoresa vanhu, kusanganisira vanenge vasvika pazera rekuvhota.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG