Accessibility links

Breaking News

Masangano Ozeya Zviri Kunetsa muZimbabwe


Masangano anoshanda akazvimirira mudunhu reSADC ari kuita musangano wemazuva maviri muHarare wekuzeya kuti otora gwara ripi pakugadzirisa matambadziko ari kunetsa muZimbabwe.

Musangano uyu wakarongwa nesangano reNational Association of Non Government Organisations, NANGO, ichishanda pamwe nemubatanidzwa wemasangano akazvimrira kuchamhembe kweAfrica, re SADC council of Non Governmental Organisations.

Mutungamiri wesangano reNANGO,Va Cephas Zinhumwe, vati musangano uyu unotarisirwa kubuda nezvisungo zvekuti masangano aya oita sei panyaya dzakaita sedzesarudzo pamwe nebumbiro idzva reemutemo yenyika.

Mumwe wevataura pamusangano uyu, mushandi mukuru wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMacdonald Lewanika, avo vanoti kunyange hazvo nyika isati yagadzirira sarudzo, vemasangano anoshanda akazvimirira vanofanirwa kugadzirira sarudzo vachiti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndichandagwinyira uye vanogona kuita sarudzo gore rinouya sezvavari kutaura mazuva ano.

Munyori mukuru mune rimwe remasangano anomirira varairidzi rePrpgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond

Majongwe, vanoti kunyange hazvo vanhu vakawanda vave kutaririsira sarudzo gore rinoouya, Zimbabwe haisati yagadzirira kuitira kuti iite sarudzo dzisina mhirizhonga. VaMajongwe vanoti vanhu vachiri kurwadziwa nezvakaitwa musarudzo dzemuna 2008, idzo dzakasiya vanhu vasisina dzimba, pfuma vamwe vakaurayiwa.

Zvichakadai, komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCopac, yazivisa kuti inokwanisa kuti nyika ive nebumbiro idzva mukati memwedzi mina yekutanga gwegore rinoouya, kana ikapihwa mari yainoda paine nguva.

Vachitaura nevatori venhau muHarare neChipiri, mumwe wemasachigaro matatu ekomiti iyi, VaDouglas Mwonzora, vati harisi basa reCopac kuita referendamu kana kuita sarudzo. Asi vati izvi zvinoitwa neZimbabwe Election Commission pamwe nevatungamiri vehurumende yemubatanidzwa.

VaMwonzora vati vatungamiri vehurumende pamwe nevamasangano ari kubatsira chirongwa ichi akaita seUnited Nations Devleopment Fund, anofanira kuburitsa mari nekukasika kuitira kuti chirongwa chekunyorwa kwebumbiro chikasike kupera.

XS
SM
MD
LG