Accessibility links

Breaking News

Masangano Okurudzira Kuzadziswa kweGPA Sarudzo Dzisati Dzaitwa


Masangano anoshanda akazvimirira mudunhu reSADC anoti kunyange hazvo mutangamiri wehururmende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kuudza vatsigiri vavo kuti vagadzirire sarudzo gore rinouya, mamaririro ezvinhu munyika pari zvino haakodzori kuti munyika muve nesarudzo dzakagadzikana. Izvi zvabuda neChitatu pakupera kwemusangano wemazuva maviri muHarare.

Vachitaura mushure mekupera kwemusangano wekuzeya kuti masangano aya otora gwara ripi pakuona kuti zvinhu zvagadziriswa munyika, mumwe mukuru musangano reSADC Council of Non-Governmental Organisations, VaBob Muchabaiwa, vati munyika muchine mhirizhonga uye vanhu vemuZimbabwe vari kutya sarudzo, zvichitevera zvakaitika muna 2008.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reNational Association of Non-Governmerntal Organisations, kana kuti NANGO, VaCephas Zinhumwe, iyo yakabatsirana nesangano raVaMuchaibaiwa kuronga musangano uyu, vati zviri pachena kuti kunyange hazvo sarudzo iri iyo nzira yekuunza hutongo hwejekerere munyika, sarudzo dzikaitwa nyaya dzemhirizhonga pamwe nekushandurwa kwemimwe mitemo inombunyikidza vanhu zvisati zvagadziriswa sezvakabvumiranwa muGlobal Political Agreement, GPA, sarudzo idzi hapana dzazvinoburiritsa.

Vati vatungamiri vehurumende yemubatanidzwa vakatadza kuita zvavakatsidza kuita muGPA, nekudaro vati vachagara pasi navatungamiri ava pamwe nevayananisi vavo vachivakomekedza kuti vatevedzere zvose zviri muchibvumirano sarudzo dzisati dzaitwa.

VaMugabe vanoti nyika inofanira kuita sarudzo gore rinouya kunyange hazvo pachine mitemo yakawanda isati yashandurwa kuti vanhu vese vave nemukana wakafanana musarudzo.

Musangano uyu wakapindawo nevemabhizimisi nevemachechi avo vanobvumiranawo nenyaya yekuti zvinhu hazvisati zvagadzikana zvekuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.

XS
SM
MD
LG