Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Ega Anoshora Kutengeswa Kwemangoda Muchivande


Bazi remighodhi rinoti vatengi vemangoda havadi kuti zuva iri rishambadzirwe kuitira kuvachengetedza ivo uye mangoda avanenge vatenga

Masangano akazvimirira ega ashora mashoko ebazi rezvicherwa ekuti kutengeswa kwemangoda munyika hakuchashambadzirwa zvakare vachiti izvi zvinoenderana nekutengeswa kunoitwa mangoda pasi rose.

Bazi remighodhi rinoti vatengi vemangoda havadi kuti zuva iri rishambadzirwe kuitira kuvachengetedza ivo uye mangoda avanenge vatenga.

Asi masangano akazimirira ari kuti Zimbabwe paimire pari zvino inofanira kuita zvinhu zviri pachena pasina kuviga kuti vanhu vese vagutsikane.

Mashoko aya anouya apo nhumwe ye Kimberly Process mu Zimbabwe, Va Abbey Chikane, vari kunzi vakasvika mu Harare nezuro kuzoenderera mberi nekupa mvumo mangoda ekwa Marange kuti atengeswe.

Gurukota remigodhi, Va Obert Mpofu, havana kuda kutaura pamusoro penyaya iyi, asi Va Machinda Marongwe program director ve NANGO, vashora hurongwa hwehurumende uhwu. Vati kutengeswa kwemangoda kunofanira kuitwa zviri pachena kwete muchivande.

XS
SM
MD
LG