Accessibility links

Breaking News

Biti: Mari yeHurumende Yoperera kuVashandi Vasipo neNzendo dzeKunze


Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vaudza neMuvhuro komiti yeparamende inoona nezvekushandiswa kwemari yehurumende, kuti hurumende yakashandisa mamiriyoni mana emadhora panzendo dzendege muna Ndira gore rino. VaBiti vatiwo izvi zvikaramba zvakadai, hurumende ichashandisa mari inogona kusvika pamamiryoni makumi mana mukupera kwegore.

Vachipa humbowo kukomiti iyi maererano nezviri kuitwa nebazi ravo mukunatsurudza mabatirwo nemashandisriwo ari kuitwa mari yehurumende, VaBiti vati kunyange hazvo vasiri kufara kuti hurumende iri kupedza mari yakawanda panzendo pane kushandisa mari iyi mune zvimwe zvirongwa zvinokosha, havana simba rekurambidza mamwe makurukota kana vakukuru vakuru muhurumende kuti vasafambe zvisina tsarukano.

Vati bazi ravo riri kugadzirisa zvinhu pasi pemutemo wePublic Finances Management Act kuti mapazi ehurumende atevedze gwara pakushandiswa kwemari yehurumende. Asi vati pane zvimwe zvakaita semari yekufambiswa izvo vati zvinotoda vakuru vakuru muhurumende yemubatanidzwa kuti zvigadziriswe.

Vatiwo zvinonetsa kuti hurumende itevedzere hurongwa hwayo hwekushandisa mari kana vatungamiriri vehurumende yemubatanidzwa vasina zvido zvakafanana.

Vati semuenzaniso, kunyange hazvo paramende yakapasisa mutemo we Audit Office Act uyo uchavandudza mabasa a Auditor and Comptroller General, mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, havasati vaita zvinodiwa kuti mutemo uyu uchitanga kushanda.

VaBiti vatiwo bazi ravo, semamwe mapazi ehurumende, harina vashandi vakakwana kuti rikwanise kuita basa nemazvo.

Panyaya yevashandi vari kutambira mari asi vasingazivikamwe kwavanoshandira, VaBiti vati izvi zvinotoda vatungamiri vehurumende yemubatanidzwa kuti vagadzirise dambudziko iri. Vati vashandi vakadai zviuru makumi manomwe nezvishanu vanogona kuramba vachitambira mari iyi kana vakuru vakasagadzirisa nyaya iyi.

Ongororo yakaitwa na Auditor and Comptrollers General muna 2009 yakaratidza kuti mapazi mazhinji ainge asingatevedzeri mitemo yemashandisirwo emari yehurumende, aive nehuwori, pamwe nekuti paive nevanhu vaitambiriswa nehurumende asi vasina basa ravanoita

Ukuwo bepanhau re Sunday Times rekuSouth Africa rinoti huremende iri kutambisa mari inosvika zana nemakumi maviri emamiriyoni emadhora kuvanhu vasingazivikanwi kwavanoshanira.

Izvi zvinonzi zvakabuda muongororo yakaitwa neErnest and Young, iyo yakapihwa basa iri nebazi rezvevashandi vehururumende.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvebazi revashandi vehurumende, VaEliphas Mukonoweshuro, avo vati havasi kukwanisa kutaura nekuti vanga ari musangano.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachishanda ne Labour and Economic Development Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti nyaya yevashandi vari kubhadharwa vasingashandi inofanirwa kugadziriswa.

XS
SM
MD
LG