Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Osunga Nhengo Mbiri DzeZimbabwe Human Rights Association


Mapurisa ekuNyamayendlovu kuMatabeleland North neMuvhuro akasunga nhengo mbiri dzesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights Association mushure mekunge aramba kuti sangano iri riite musangano waro kuTsholotsho.

Nhengo mbiri idzi dzinoti muzvare Florence Ndlovu navaWalter Dube. Muzvare Ndlovu navaDube vakanga varonga musangano wekuTsholotsho vachida kudzidzisa veruzhinzi nezvekodzero dzavo.

Asi musangano wavo hauna kuzoitika sezvo vakawana kuTsholotsho kwakazara mapurisa ayo akati haaizobvumidzi musangano uyu kuenderera mberi. Pakudzoka kwavo, vaviri ava vakawana paine road block kuNyamayendlavo ndokubva vasungwa ipapo.

Magweta avo ari kurambidzwa kuvavona uye kuvapa chikafu. Rimwe remagweta aya, vaLizwe Jamela vakaudza Ntungamili Nkomo weStudio 7 kuti havazi kufara nekusungwa kwevaviri ava.

XS
SM
MD
LG