Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Orambidzwa Kuongorora Sarudzo dzeZanu-PF Dziri Kudzokororwa


VaChris Mutsvangwa, VaSibusiso Moyo uye VaPatrick Chinamasa
VaChris Mutsvangwa, VaSibusiso Moyo uye VaPatrick Chinamasa

Mapurisa ayo akapomerwa mhosva yekupindira mune zvesarudzo muZanu-PF anonzi haasi kuzova nechekuita nesarudzo dzebato iri dziri kudzokororwa kune mamwe matunhu gumi.

Mutungamiri wenyika uye vari mutungamiri webato iri VaEmmerson Mnangagwa vakativo havazive kuti ndiyani ainge ati mapurisa aya ave nechekuita nesarudzo.

Dzimwe nhengo dzePoltiburo yebato reZanu-PF dzaudza Studio 7 kuti dzakatenderana kuti mapurisa asave nechekuita nesarudzo dzebato ravo.

Zvichakadaro,dzimwe Nhengo yeZanu PF yekuNorton VaLangton Mutendereki avo vakakunda chipangamazano chemutungamiri wenyika VaChristopher Mutsvangwa vanoti vakagadzirira kukunda VaMutsvangwa zvakare musarudzo dzichadzokororwa.

VaMutendereki vanoti manyepo ekuti vari kutyisidzirwa kuti vabude musarudzo nevanhu vasingazivikanwe. Vanoti vakagadzirira kukunda VaMutsvangwa kunyange sarudzo idzi dzikadzokororwa kanodarika kazana nekuti VaMutsvangwa havadiwe nevanhu.

Asi vachipindurawo mibvunzo kubva kuStudio 7, VaMutsvangwa vati vane tarisiro yekukunda. Vati vakarwisa zvikuru kuti vanhu vose vemuNorton vawaniswe mukana wekuvhota uye vakati vanotenda mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nePolitburo nekutenda kuti sarudzo dziitwe zviri pachena.

Norton imwe yenzvimbo sere dziri kudzokororwa sarudzo mudunhu reMashonaland West nekuti dzainge dzisina kufambiswa zvakanaka.

Dzimwe nzvimbo dzinosanganisira Chinhoyi, Makonde, Zvimba North, Zvimba South, Chegutu East neChegutu West.

Mashoko aVaMutendereki anotsigirwa nemumiriri weNorton muparamende VaTemba Mliswa avo vanoti VaMutsvangwa vakaratidza kuti vanoita sepwere inochema nhando kana zvinhu zvisingafambe nenzira yavanenge vakatarisira.

Bato reZanu rinonzi radududzawo pakuti vose vari kupomerwa mhosva dzemhirizhonga vasakwikwidze musarudzo dziri kudzokororwa idzi.

Mumiriri weChegutu muparamende VaDexter Nduna avo vari kupomherwa mhosva dzemhirizhonga vave kukwikwidza kunyange vaine nyaya dzichiri kumatare.

Mutauriri webato reZanu PF VaSimon Khaya Moyo vanoti hapana chavari kuziva nezvenyaya iyi vakati tibate murongi wemisangano VaEngelbert Rugeje avo vanga vasingadavire nharembozha yavo.

Asi VaNduna vanoti vave kukwikwidza. Vanoona nezve nhabvu vanotiwo VaPhilip Chiyangwa avo vari kukwikwidza kuZvimba South vanofanirwa kusiya nyaya dzenhabvu sezvo mutemo weFIFA usingabvumire kuti vaite zvematongerwo enyika uku vakabata chigaro mune zvemitambo yenhabvu.

Munyori mukuru wenhabvu VaDennis Kagonye mumwe wevanoti VaChiyangwa vanofanirwa kusiya zvenhabvu sezvo kusiri kufamba zvakanaka nekuda kwavo.

Dzimwe nhengo dzeZanu PF dziri kushora bato ravo dzichiti raitenga motokari dzinodhura dzesarudzo asi vasingaite kuti sarudzo dzacho dzifambe zvakanaka. VaChamunorwa Rusito vanogara kuChikonohona mumwe wevasina kufara nekufambiswa kwesarudzo.

Asi vamwe vakaita saVaTerrence Mhandu vekuMakonde vanoti sarudzo dzinofanirwa kudzokororwa nekuti kwakaita kubirira kwakanyanya zvikuru kubva kuvakuru vakuru mubato. Mazuva ekudzokororwa kwesarudzo haasati aziviswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG