Accessibility links

Breaking News

Imwe Nhengo yeChitatu yeParamende Inosungirwa Mari dzeBudiriro


Mapurisa emuBulawayo akasunga neChina imwe nhengo yeparamende inomirira Pumula North, Va Albert Mhlanga, ve MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, mushure mekunge vatadza kuratidza kuti vakashandisa sei mari yebudiriro, kana kuti Constituency Development Funds, yavakapihwa muna 2010 semari yekugadzirisa matunhu avanomirira.

VaMhlanga vava munhu wechitatu kusungirwa nyaya iyi. Vamwe vakasungwa vanoti Va Franco Ndambakuwa ve ZANU-PF naVa Marvellous Khumalo ve MDC-T.

Gweta raVa Mhlanga, Va Liberty Mcijo, vaudza Studio7 kuti Va Mhlanga vari kuramba mhosva yavari kupomherwa.

Va Mhlanga vamiswa pamberi pedare neChishanu vachipomerwa mhosva iyi. Asi VaMhlanga varamba mhosva yavari kupomerwa neAnti Corruption Commission yekuti havana kushandisa zvakanaka zviuru makumi mana zvemadhora kubva pamari inoita zviuru makumi mashanu zvemadhora zvakapihwa nhengo yega yega yeparamende.

VaMhlanga vachange vachitongwa vachibva kumba mushure mekubvisiswa mazana mana emadhora semari yechibatiso.

XS
SM
MD
LG