Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Makurukota Maviri Akatyisidzira Mapurisa

VaMartin Mutasa, avo vane makore makumi mana nemanomwe, vakasungwa pamwe chetepo namuzvina bhizimisi Temba Mliswa, naVaGeorge Marere, mushure mekupamba zvinhu zvinosvika miriyoni akawanda emari yeku America kukambani yemumwe muchena.

Mapurisa anoti makurukota maviri – Va Didymus Mutasa naAmai Theresa Makone neChitatu vakaedza kukanganisa basa remapurisa apo vakaenda kuchitokisi chemapurisa ku mbare vachida kuburitsa mwana waVa Mutasa muhusungwa.

VaMartin Mutasa, avo vane makore makumi mana nemanomwe, vakasungwa pamwe chetepo namuzvina bhizimisi Temba Mliswa, naVaGeorge Marere, mushure mekupamba zvinhu zvinosvika miriyoni akawanda emari yeku America kukambani yemumwe muchena.

Hatina kukwanisa kubata Amai Makone kana mutauriri we MDC, yaVa Tsvangirai, nekuti vese vari ku South Africa uko vari kupinda musangano webato ravo.

Va Julius Mutyambizi-Dewa igweta uye vachishanda ne Communities Point vari mu London. Va Mutyambizi-Dewa vati kana chiri chokwadi kuti Amai Makone vakaedza kumbunyikidza mapurisa vanofanira kukumbira ruregerero kune vatsigiri vebato ravo uye nyika yose nekuti harisi basa remakurukota kutyisidzira mapurisa.

XS
SM
MD
LG