Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Avakuwedzera Simba Kupedza Mhirizhonga Munyika


Va Phiri vati kwava nenhamba dzemapurisa kana kuti hotlines 0712 794 829 ne 0772 915 998 kana 753411 idzo vanhu vanofanira kuridza vachitaura pamusoro pemhirizhonga yavanenge vaona

Mapurisa anoti ari kushanda nesimba kutsvaga vanhu vari kukonzera mhirizhonga yezvematongerwe enyika kusanganisira mhirizhonga yakaitika mu Harare umo mapurisa akarwisana nevanotengesa mumigwagwa uye vanofungidzirwa kuti vatsigiri vechidiki vebato re MDC inotungamirirwa naVa Morgan Tsvangirai.

Mutauriri wemapurisa, Superintendent Andrew Phiri, vanoti mapurisa ari kushanda zvakasimba kuti apedze mhirizhonga, zvikuru mu Harare.

Va Phiri vaudza pepanhau re Herald kuti vanhu vari kukonzera mhirizhonga vari kuratidza kuti vanhu vasina tsitsi uye vasingatyi kurasa hupenyu hwevamwe.

Va Phiri vati kwava nenhamba dzemapurisa kana kuti hotlines 0712 794 829 ne 0772 915 998 kana 753411 idzo vanhu vanofanira kuridza vachitaura pamusoro pemhirizhonga yavanenge vaona.

Va Joy Mabenge ndivo maneja mubazi rehutongi hwakanaka musangano re Institute for a Democratic Alternative for Zimbabwe.

VaMabenge vati mashoko aVaPhiri anovashamisa nekuti nguva dzose vanenge varipo panoitika mhirizhonga, kunyanya muHarare uye kuziva kuti ndivanani vari kukonzera mhirizhonga iyi.

XS
SM
MD
LG