Accessibility links

Breaking News

Mapepanhau Akazvimirira Ega Orambidzwa ku Magunje


Vagari vemunzvimbo vanoti nyaya dzekumbunyikidzwa nekutyisidzirwa kwevanhu vasingatsigiri ZANU-PF dzawanda. Va Murisi Zwizwai ndivo mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko

Vatsigiri ve ZANU-PF nemauto ku Magunje ku Mashonaland West vanonzi vari kurambidza kutengeswa munzvimbo iyi nedzimwe nharaunda mapepanhau e Daily News ne Newsday vachiti haanyori zvinotsigira bato ravo.

Vatsigiri ava vanonzi vakatangazve svondo rino kurambidza kupihwa pachena kwepepanhau remutungamiri we hurumende, Va Morgan Tsvangirai, munharaunda iyi zvinova zvakonzera mhirizhonga.

Vagari vemunzvimbo vanoti nyaya dzekumbunyikidzwa nekutyisidzirwa kwevanhu vasingatsigiri ZANU-PF dzawanda. Va Murisi Zwizwai ndivo mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko.

Vaudza Studio 7 kuti varikuramba vachitambira mashoko ekutyisidzirwa kwevanotora nhau vakazvimirira vega, zvikuru mushure memusangano mukuru vhiki rapera apo mapato ose munyika akaita chisungo chekupedza mhirizhonga nekutyisidzirwa kwevanhu sezviri kuitika ku Magunje.

Va Mathew Takaona inhengo ye Zimbabwe Media Commission avo vari kukurudzira kuti varidzi vemapepanhau aya vavataurire kana zvinhu zvakadai zvichinge zvaitika pamwechetepo ne JOMIC.

XS
SM
MD
LG