Accessibility links

Breaking News

Mapazi eHurumende Oita Muonera Pamwe Kurwisa Typhoid


Hurumende iri kunakurira nyoka mhenyu kukanzuru ye Harare ichiti haina kukasika kuizivisa kuti muguta manga maita dambudziko re typhoid kuti ichimbidze kuona zvekuita nekutsvaga rubatsiro kune nyika dzekunze.

Vanhu vazhinji vari kunyunyuta kuti hurumende nekanzuru ye Harare hazvisi kuita zvakakwana mugadzirisa zvinhu zvakakonzera kuti chirwere che korera chiuraye vanhu vanopfuura zviuru zvina muna 2008 na 2009.

Sangano re Doctors for Human Rights rinotiwo hurumende haina kuchimbidza kuvhunduka pakabuda zvakare chirwere che typhoid iyi richiti dai izvi zvakaitwa, chirwere chingadai chisina kuzopararira zvakanyanya, zvikuru kugadzirisa nyaya yemvura netsvina ichiri kunetsa munyika.

Hurumende iri kunakurira nyoka mhenyu kukanzuru ye Harare ichiti haina kukasika kuizivisa kuti muguta manga maita dambudziko re typhoid kuti ichimbidze kuona zvekuita nekutsvaga rubatsiro kune nyika dzekunze.

Mukuru wezvekudzivirirwa kwezvirwere mubazi rehutano, Dr. Portia Manangazira, vanoti kunyange hazvo shoko rakanonoka kufamba, pari zvino vava kuita muonera pamwe nekanzuru ye Harare, UNICEF, Doctors Without Borders, pamwe nenyanzvi dzakabva ku America ne South Africa.

Dr. Prosper Chonzi ndivo mukuru webazi rezvehutano mukanzuru ye Harare. Vanoti kunyangwe hazvo zvinhu zvakanonoka kufamba mukuedza kumisa chirwere ichi pachakatanga guta reHarare richinetseka rega, pari zvino mapazi mazhinji ehurumende nemasangano akazvimirira vava kuita muonera pamwe kupedza dambudziko iri.

Mumiriri we Kuwadzana, Va Nelson Chamisa, nhasi vasangana navana chiremba nevagari vemu Kuwadzana vachitarisisa dambudziko riri mumusha mavo. Vati dambudziko guru riripo inyaya yekuti hurumende yatadza kuita basa rayo munyika.

XS
SM
MD
LG